|
| 1 |
|
| Pakutanga Mwari akasika denga nenyika. |
|
| 2 |
|
| Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura. |
|
| 3 |
|
| Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo. |
|
| 4 |
|
| Mwari akaona chiedza, kuti chakanaka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. |
|
| 5 |
|
| Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe. |
|
| 6 |
|
| Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. |
|
| 7 |
|
| Mwari akaita nzvimbo, akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo. |
|
| 8 |
|
| Mwari akatumidza nzvimbo, akati Denga. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva repiri. |
|
| 9 |
|
| Mwari akati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo. |
|
| 10 |
|
| Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka. |
|
| 11 |
|
| Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo. |
|
| 12 |
|
| Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka. |
|
| 13 |
|
| Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu. |
|
| 14 |
|
| Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore; |
|
| 15 |
|
| ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo. |
|
| 16 |
|
| Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo. |
|
| 17 |
|
| Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika, |
|
| 18 |
|
| zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka. |
|
| 19 |
|
| Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. |
|
| 20 |
|
| Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga. |
|
| 21 |
|
| Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka. |
|
| 22 |
|
| Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika. |
|
| 23 |
|
| Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu. |
|
| 24 |
|
| Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo. |
|
| 25 |
|
| Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka. |
|
| 26 |
|
| Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. |
|
| 27 |
|
| Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. |
|
| 28 |
|
| Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. |
|
| 29 |
|
| Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. |
|
| 30 |
|
| Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo. |
|
| 31 |
|
| Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu. |
|
|
|
|