|
| 1 |
|
| Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vana shure kwemvura zhinji. |
|
| 2 |
|
| Vanakomana vaJafeti ndivo: Gomeru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi. |
|
| 3 |
|
| Vanakomana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima. |
|
| 4 |
|
| Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKitimi, naDhodhanimu. |
|
| 5 |
|
| Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo. |
|
| 6 |
|
| Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani. |
|
| 7 |
|
| Vanakomana vaKushi ndivo: Sebha, naHavhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani. |
|
| 8 |
|
| Kushi akabereka Nimurodhi, ndiye akatanga kuva nesimba panyika. |
|
| 9 |
|
| Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, “SaNimurodhi, mudzimba mukuru pamberi paJehovha.” |
|
| 10 |
|
| Ushe hwake hwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari. |
|
| 11 |
|
| Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara, |
|
| 12 |
|
| neReseni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru). |
|
| 13 |
|
| Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafituhimu, |
|
| 14 |
|
| navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori. |
|
| 15 |
|
| Kenani akabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti; |
|
| 16 |
|
| navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi; |
|
| 17 |
|
| navaHivhi, navaAriki, navaSini, |
|
| 18 |
|
| navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwaivava mhuri dzavaKenani dzakapararira. |
|
| 19 |
|
| Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha. |
|
| 20 |
|
| Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo. |
|
| 21 |
|
| Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akaberekerwa vana. |
|
| 22 |
|
| Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu. |
|
| 23 |
|
| Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi. |
|
| 24 |
|
| Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru. |
|
| 25 |
|
| Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romun'una wake rakanga riri Jokitani. |
|
| 26 |
|
| Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera; |
|
| 27 |
|
| naHadhoramu, naUsari, naDhikira; |
|
| 28 |
|
| naObhari, naAbhimaeri, naShebha; |
|
| 29 |
|
| naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani. |
|
| 30 |
|
| Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva. |
|
| 31 |
|
| Ndivo vanakomana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo. |
|
| 32 |
|
| Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji. |
|
|
|
|