|
| 1 |
|
| Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, “Usatya Abhuramu; ini ndiri nhoo yako nomubayiro wako mukuru-kuru.” |
|
| 2 |
|
| Abhuramu akati, “Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kani?” |
|
| 3 |
|
| Abhuramu akati, “Tarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.” |
|
| 4 |
|
| Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, “Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.” |
|
| 5 |
|
| Akamubudisa panze akati, “Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga.” Akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.” |
|
| 6 |
|
| Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake. |
|
| 7 |
|
| Akati kwaari, “Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.” |
|
| 8 |
|
| Iye akati, “Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?” |
|
| 9 |
|
| Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.” |
|
| 10 |
|
| Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura. |
|
| 11 |
|
| Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga. |
|
| 12 |
|
| Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. |
|
| 13 |
|
| Akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana; |
|
| 14 |
|
| asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji. |
|
| 15 |
|
| Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo. |
|
| 16 |
|
| Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.” |
|
| 17 |
|
| Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. |
|
| 18 |
|
| Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi. |
|
| 19 |
|
| VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni, |
|
| 20 |
|
| navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi, |
|
| 21 |
|
| navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi.” |
|
|
|
|