Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Sarai, mudzimai waAbhuramu haana kumuberekera mwana, asi aiva nomuranda wake wechikadzi worudzi rwechiIjipiti ainzi Hagari. |
| 2 |
| Sarai akati kuna Abhuramu, “Tenzi akandinyima mwana. Wadii kutorana zvako nomuranda wangu. Zvimwe ndiye angazondiberekerawo vana.” Abhuramu akanzwa zvakataurwa naSarai. |
| 3 |
| Saka Abhuramu apedza makore gumi ari munyika yeKanani, Sarai mudzimai waAbhuramu akatora Hagari muranda wake wechiIjipiti akamupa kuna Abhuramu kuti ave mukadzi wake. |
| 4 |
| Abhuramu akapinda mumba naHagari akabva aita pamuviri. Kuzoti Hagari aona kuti ava napamuviri akatanga kushora Sarai, tenzikadzi wake. |
| 5 |
| Sarai akanyunyutira Abhuramu vachiti, “Kutadzirwa kwose kwandiri kuitwa imhosva yako. Ndakakupa muranda wangu kuti ave murongo wako. Zvino zvaaona kuti ava napamuviri ava kundishora. Panyaya yangu iyoyi newe, Tenzi ngaakuone.” |
| 6 |
| Abhuramu akataurira Sarai achiti, “Inga muranda wako ari mumaoko ako wani! Ita zvako zvaunoda naye.” Sarai akaomesera Hagari upenyu, Hagari akabva atiza pamusha ipapo. |
| 7 |
| Mutumwa waTenzi akawana Hagari ari pachisipiti chemvura chaiva murenje chokunzira inoenda Shuru. |
| 8 |
| Mutumwa akati, “Nhai Hagari, muranda waSarai, uri kubva kupiko? Ko uri kuenda kupi?” Hagari akati, “Ndiri kutiza tenzikadzi wangu, Sarai.” |
| 9 |
| Mutumwa waTenzi akamuti, “Chidzokera kuna vatenzi vako, undozvirereka kwavari.” |
| 10 |
| Mutumwa waTenzi akamuti, “Ndichaitawo kuti vana vako vawande chaizvo zvokuti havangaverengeki. |
| 11 |
| Iwe zvawava napamuviri, uchabereka mwana mukomana uzomutumidza zita rokuti Ishimaeri, nokuti Tenzi anzwa kuchema kwako. |
| 12 |
| Mwana wako achange aine mwoyo wougandanga chaihwo. Achagara akabatira vamwe matemo, ivowo vachigara vakamubatira matemo. Achagara akazvitsaura kuhama dzake dzose akadzitsvukisira maziso.” |
| 13 |
| Hagari akapa zita kuna Tenzi nyakutaura naye rokuti “Muri Mwari anoona,” nokuti akazviti, “Ndatarisana here chokwadi naMwari wandaona, ndikaramba ndiri mupenyu?” |
| 14 |
| Ndokusaka tsime iroro riri pakati peKadheshi neBheredhi rakazotumidzwa zita rokuti Bheerirahairoi. |
| 15 |
| Hagari akazoberekera Abhuramu mwana mukomana. Abhuramu akatumidza mwana wake zita rokuti Ishimaeri. |
| 16 |
| Panguva yaakaberekerwa Ishimaeri naHagari, Abhuramu akanga ava namakore makumi masere ana makore matanhatu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/genesis/016.mp3
50
16