Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Tenzi akazviratidza kuna Abhurahamu ari pamiti yemioku yokwaMamure agere pamusuo wetendhe rake masikati zuva richipisa. |
| 2 |
| Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi. |
| 3 |
| Akati, “Changamire wangu, kana zvichikufadzai musanyenyeredze zvenyu musha womuranda wenyu. |
| 4 |
| Regai ndikupei tumvura, mushambe tsoka dzenyu mumbozorora zvenyu munyasi memuti, |
| 5 |
| ini ndichikutorerai chingwa kuti mudye mudzore mwoyo mozoti mosimudzira zvenyu rwendo rwenyu nokuti ndokusaka wani mauya nokuno kune muranda wenyu.” Ivo vakati, “Ita zvako sezvawataura.” |
| 6 |
| Abhurahamu akamhanyira kuna Sara mutendhe akati, “Kurumidza kutora zviero mwero mitatu yakaenzana youpfu hwekoroni hwakatsetseka hunokwana bhagidhi uhukanye ubike chingwa.” |
| 7 |
| Abhurahamu akamhanyira kumombe, ndokusarudza chimhuru chine nyama yakanaka yakapfava akaipa muranda wake kuti avagadzirire. |
| 8 |
| Akatora mukaka wakakora nomumbishi nenyama yechimhuru chiya chaakanga agadzirira akavaperekera, ndokumira panyasi pavo pasi pomuti, ivo vachidya zvavo. |
| 9 |
| Varume vaya vakazoti, “Ko Sara mudzimai wako ari kupiko?” Abhurahamu akati, “Ari mutendhe umu.” |
| 10 |
| Tenzi akati, “Chokwadi ini ndichakushanyirazve gore rinouya, panguva yepfumvudza. Ipapo Sara mudzimai wako achange ava nomwana mukomana.” Izvozvo Sara aizvinzwa zvake ari mutendhe raiva kuseri kwavo. |
| 11 |
| Abhurahamu naSara vakanga vachembera vakwegura. Sara akanga aguma, asisateveri. |
| 12 |
| Sara akabva aseka zvake nechomumwoyo achiti, “Iyeni ndachembera kudai, ndokunge ndichada zvomurume. Handiti vatenzi vangu kukwegura kwavaita izvozvi.” |
| 13 |
| Tenzi akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko seiko Sara aseka, achiti, ‘Ini pangu pano ndachembera kudai ndingaberekewo mwana here?’ |
| 14 |
| Pane chinhu chingaomere Tenzi here? Saka gore rinouya panguva ino yepfumvudza ndichakushanyirazve, Sara achange ava nomwana mukomana.” |
| 15 |
| Asi Sara akaramba akati, “Handina kuseka ini,” nokuti akanga ava kutya. Mwari akati, “Aiwa, waseka iwe.” |
| 16 |
| Varume vaya vakazosimuka vonanga kuSodhomu. Abhurahamu akavaperekedza. |
| 17 |
| Tenzi akati, “Ko ndichavanzira Abhurahamu zvandava kuda kuita here, |
| 18 |
| ini ndichiziva kuti Abhurahamu achazova rudzi rukuru rune simba uye kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzichakomborerwa pamusana pake? |
| 19 |
| Kwete. Handingamuvanzire nokuti ndakamusarudza ndichiti arayire vana vake nemhuri yake ichauya, kuti vatevere ini Tenzi vachiita zvakarurama nokuitirawo vamwe zvakarurama nezvine ruenzaniso kuti ndiwane mazadzikisiro ezvandakapika kuna iye Abhurahamu.” |
| 20 |
| Tenzi akati, “Mhosva dzeSodhomu neGomora dzasvika munzeve dzangu dzanyanya kuwanda, uye chitadzo chavo chaipisisa kwazvo. |
| 21 |
| Naizvozvo ndiri kudzikako kundoona kana kuchema kuri kusvika munzeve dzangu kuri kukonzerwa zvechokwadi nezviito zvavo, kana zvisizvo ndigoziva.” |
| 22 |
| Varume vaye vakabva ipapo, vakananga kuSodhomu. Abhurahamu akasara amire pana Tenzi. |
| 23 |
| Abhurahamu akaswedera pana Tenzi akati, “Ko muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here? |
| 24 |
| Ngatiti muguta imomo mune vakarurama vanokwana makumi mashanu hamungarinzwire tsitsi here pamusana pemakumi mashanu arimo muchibva marega kuriparadza? |
| 25 |
| Regai zvenyu kuita zvakadaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa muchienzanisa vakarurama navakaipa. Regai zvenyu kumbodaro ko iye mutongi wepasi pose angatadze here kuita zvakarurama?” |
| 26 |
| Tenzi akati, “Kana ndikawana muSodhomu muine vanhu vakarurama vanokwana makumi mashanu ndichanzwira tsitsi guta rose pamusana pavakarurama ivavo.” |
| 27 |
| Abhurahamu akati, “Kunyange zvangu ndiri guruva nedota, ndatsunga kutaura kwamuri Tenzi wangu. |
| 28 |
| Ngatitii poperevedza navanhu vashanu kuti vakwane makumi mashanu avakarurama, mungaparadze here guta rose pamusana pavashanu vanenge vashayikwa?” Mwari akati, “Handingariparadze kana ndikawana muine makumi mana navashanu ivavo.” |
| 29 |
| Abhurahamu akataurazve achiti, “Zvimwe muchawanikwa muine makumi mana.” Mwari akati, “Handingazviite nokuda kwamakumi mana iwayo.” |
| 30 |
| Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, regai zvenyu kunditsamwira kana ndikataurazve. Zvimwe muchawanikwa muine makumi matatu?” Mwari akati, “Handingazviite kana ndikawana muine makumi matatu iwayo.” |
| 31 |
| Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, ndava kungoramba ndichikunyaudzai. Zvimwe muchawanikwa muine makumi maviri avakarurama.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwamakumi maviri iwayo.” |
| 32 |
| Abhurahamu akati, “Regai zvenyu kunditsamwira Tenzi wangu kana ndikataurazve kamwechete koga. Zvimwe muchawanikwa muine gumi rimwechete ravanhu.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwegumi iroro.” |
| 33 |
| Tenzi paakapedza kutaura naAbhurahamu akabva aenda zvake, Abhurahamu ndokudzokerawo zvake kwake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/genesis/018.mp3
50
18