|
| 1 |
|
| Vatumwa vaviri vakasvika Sodhomu madekwana; Roti akanga agere pasuo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake; |
|
| 2 |
|
| akati, "Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba komuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu." Ivo vakati, "Kwete tichavata hedu padare usiku hwose." |
|
| 3 |
|
| Akavanyengetera zvikuru; vakadzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vakadya; |
|
| 4 |
|
| zvino vasati vavata, varume veguta, ivo varume veSodhomu, vakakomba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose; |
|
| 5 |
|
| vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, "Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tivazive." |
|
| 6 |
|
| Roti akabuda akaenda kwavari kumusuo, akazarira musuo shure kwake. |
|
| 7 |
|
| Akati, "Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu. |
|
| 8 |
|
| Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu." |
|
| 9 |
|
| Ivo vakati, "Suduruka! " Vakati, "Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo." Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi. |
|
| 10 |
|
| Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi. |
|
| 11 |
|
| Vakapofomadza vakanga vari pamusuo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuo. |
|
| 12 |
|
| Varume vakati kuna Roti, "Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno. |
|
| 13 |
|
| Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza." |
|
| 14 |
|
| Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, "Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino." Asi vakuwasha vake vakati, "Anoita hake musare." |
|
| 15 |
|
| Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, "Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa." |
|
| 16 |
|
| Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta. |
|
| 17 |
|
| Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, "Tiza nokuda koupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa." |
|
| 18 |
|
| Roti akati kwavari, "Kwete, ishe wangu, regai kudaro. |
|
| 19 |
|
| Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, makurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zvamandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa. |
|
| 20 |
|
| Tarirai, guta iri riri pedo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, nditenderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame." |
|
| 21 |
|
| Iye akati kwaari, "Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva. |
|
| 22 |
|
| Kurumidza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo." Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari. |
|
| 23 |
|
| Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari. |
|
| 24 |
|
| Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha, |
|
| 25 |
|
| akaparadza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zvakanga zvamera pavhu. |
|
| 26 |
|
| Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akaitwa shongwe yomunyu. |
|
| 27 |
|
| Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha; |
|
| 28 |
|
| akatarira kurutivi rweSodhomu neGomora nokunyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto. |
|
| 29 |
|
| Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pokuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti. |
|
| 30 |
|
| Zvino Roti wakakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navakunda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mubako, iye navakunda vake vaviri. |
|
| 31 |
|
| Zvino dangwe rakati kumuduku, "Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose; |
|
| 32 |
|
| uya, timwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu." |
|
| 33 |
|
| Usiku ihwohwo vakamwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akandovata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake. |
|
| 34 |
|
| Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, "Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwanezuro; ngativamwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu." |
|
| 35 |
|
| Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, akandovata navo; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake. |
|
| 36 |
|
| Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo. |
|
| 37 |
|
| Wedangwe akabereka mwanakomana,akamutumidza zita rinonzi Moabhu, kusvikira zuva ranhasi. |
|
| 38 |
|
| Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi. |
|
|
|
|