Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Sara akagara zana namakumi maviri amakore ana makore manomwe. Iwaya ndiwo makore ose oupenyu hwaSara. |
| 2 |
| Sara akafira kuKiriatiaribha kana kuti Hebhuroni, munyika yeKanani. Abhurahamu akambotora nguva yokuyeuka rufu rwaSara achimuchema. |
| 3 |
| Abhurahamu akasiya chitunha chiri mumba akandotaurirana navaHiti vachiti, |
| 4 |
| “Ini ndinongovawo mutorwa zvangu, muuyi pakati penyu. Ndiwaniseiwo nzvimbo pakati penyu yokuviga hama dzangu dzinenge dzafa.” |
| 5 |
| VaHiti vakapindura Abhurahamu vachiti, “Teererai munzwe, changamire, imi muri muchinda waMwari. |
| 6 |
| Tinokuremekedzai kwazvo pakati pedu. Vigai zvenyu vafi venyu munzvimbo yakanakisisa pakati penzvimbo dzedu dzose dzokuvigira vanhu. Pakati pedu hapana angakunyimei nzvimbo yokuviga vafi venyu munzvimbo dzokuviga vafi.” |
| 7 |
| Abhurahamu akasimuka ndokukotamira pasi achiremekedza vaHiti, varidzi venyika. |
| 8 |
| Akati kwavari, “Kana mabvuma kuti ndivige vakafa vangu, chimbondinzwaiwo, zvino chindisvitsiraiwo chichemo changu kuna Efuroni mwanakomana waZohari, |
| 9 |
| kuti andipe bako rake repaMakipera riri pamucheto womunda wake. Ngaanditengesere nomutengo waro wakakwana imi muchizviona. Ive nzvimbo yangu pachangu yokuviga vanhu.” |
| 10 |
| Efuroni akanga agerepo mukati mevaHiti. Saka Efuroni, muHiti, akapindura Abhurahamu, vaHiti vose vakanga vauya kusuo guru vachizvinzwa. Akati, |
| 11 |
| “Kwete, changamire. Ndinzwei ndinokupai munda iwoyo nebako ririmo, hama dzangu dzichizviona kuti muvige vafi venyu.” |
| 12 |
| Abhurahamu akakotamira varidzi venyika achivaremekedza. |
| 13 |
| Akataura kuna Efuroni dare rose ravanhu venyika iyoyo richizvinzwa achiti, “Ndichakupai mari yokutenga munda iwoyo, igamuchirei kuti ndivige vafi vangu.” |
| 14 |
| Efuroni akapindura Abhurahamu achiti, |
| 15 |
| “Changamire wangu, teererai munzwe. Kamutengo kenzvimbo yacho kanongova mazana mana chete emari yamashekeri yesirivha. Zvino munoti imari iyoyo here yatingatemeserane musoro nayo? Endai zvenyu mundoviga munhu wenyu.” |
| 16 |
| Abhurahamu akabvumirana naEfuroni, ndokubva Abhurahamu aerera Efuroni mari yesirivha iya yavakataura vaHiti vachizvinzwa. Mari yacho yaikwana mazana mana esirivha maererano nomwero wouremo waishandiswa pakutengeserana. |
| 17 |
| Ndokusaka nzvimbo yaEfuroni yokuMakipera iri kumabvazuva kweMamure yakanzi yava yaAbhurahamu. Nzvimbo iyoyo yaisanganisira munda wacho, kwouya bako raivemo, nemiti yose yaivemo kusvikira kumucheto wawo kuitenderedza. |
| 18 |
| Yakapiwa Abhurahamu kuti ive yake, vaHiti navamwe vose vedare vakanga vauya kusuo guru reguta vachizvinzwa. |
| 19 |
| Abhurahamu akaviga Sara mudzimai wake mubako riri kuMakipera, pakatarisana neMamure kuHebhuroni munyika yeKanani. |
| 20 |
| Saka vaHiti vakapa Abhurahamu nzvimbo iyoyo nebako ririmo zvikabva zvava nzvimbo yake yokuviga vanhu vake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/genesis/023.mp3
50
23