|
| 1 |
|
| Zvino Abhurahamu akawanazve mumwe mukadzi, wainzi Ketura. |
|
| 2 |
|
| Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. |
|
| 3 |
|
| Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, navaRetushi, navaReumi. |
|
| 4 |
|
| Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura. |
|
| 5 |
|
| Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo. |
|
| 6 |
|
| Asi vanakomana vavarongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akavatuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende kumabvazuva, kunyika yokumabvazuva. |
|
| 7 |
|
| Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana namakumi manomwe namashanu. |
|
| 8 |
|
| Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake. |
|
| 9 |
|
| Isaka naIshimaeri, vanakomana vake, vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wakatarisana neMamure; |
|
| 10 |
|
| ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu kuvana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhurahamu naSara, mukadzi wake. |
|
| 11 |
|
| Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropafadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi. |
|
| 12 |
|
| Ndiwo marudzi aIshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, wakaberekerwa Abhurahamu naHagari, muIjipiti, murandakadzi waSara. |
|
| 13 |
|
| Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKedhari, naAdhibheri, naMibhisami, |
|
| 14 |
|
| naMishima, naDhuma, naMasa, |
|
| 15 |
|
| naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema; |
|
| 16 |
|
| ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendudzi dzavo. |
|
| 17 |
|
| Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake. |
|
| 18 |
|
| Vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri, mberi kweIjipiti, kana munhu achienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose. |
|
| 19 |
|
| Ndiwo marudzi aIsaka, mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaka; |
|
| 20 |
|
| Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRabhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake. |
|
| 21 |
|
| Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba. |
|
| 22 |
|
| Zvino vana vakasundana mukati make, akati, “Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi?” Akandobvunza Jehovha. |
|
| 23 |
|
| Jehovha akati kwaari, “Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku.” |
|
| 24 |
|
| Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake. |
|
| 25 |
|
| Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau. |
|
| 26 |
|
| Pashure mun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo. |
|
| 27 |
|
| Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende. |
|
| 28 |
|
| Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho. |
|
| 29 |
|
| Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya; |
|
| 30 |
|
| Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;” saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu. |
|
| 31 |
|
| Jakobho akati, “Chimbonditengesera udangwe hwako.” |
|
| 32 |
|
| Esau akati, “Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?” |
|
| 33 |
|
| Jakobho akati, “Chimbondipikira;” akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake. |
|
| 34 |
|
| Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo. |
|
|
|
|