Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Zvino munyika imomo makaita nzara isati iri nzara iya yakamboitika pamazuva aAbhurahamu. Isaki akaenda kuGerari, kuna Abhimereki mambo wavaFirisitia. |
| 2 |
| Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Usadzike kuIjipiti, asi gara munyika yandichakuudza. |
| 3 |
| Chimbogara zvako munyika ino. Ini ndichava newe. Ndichakukomborera. Ndichakupa nyika idzi dzose iwe navana vako. Ndichaita zviya zvandakapika kuna Abhurahamu, baba vako. |
| 4 |
| Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika idzi dzose. Vana vako vachawanisawo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano makomborero, |
| 5 |
| nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.” |
| 6 |
| Saizvozvo Isaki akagara kuGerari. |
| 7 |
| Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. |
| 8 |
| Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake. |
| 9 |
| Ipapo Abhimereki akadaidza Isaki akati, “Ko zvaari mukadzi wako wani! Wakagotaurirei kuti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ ” Isaki ndokuti, “Ndaiti zvimwe ndingaurayiwe pamusana pake.” |
| 10 |
| Abhimereki akati, “Zvino, ndochii ichochi chawakatiitira ipapa? Mumwe munhu aigona kunge akatadza nomudzimai wako iwe wotiparisa mhosva.” |
| 11 |
| Naizvozvo Abhimereki akayambira vanhu vake vose achiti, “Kuwana ane chakaipa chaanoita kune murume uyu, kana mudzimai wake anofanira kuurayiwa.” |
| 12 |
| Isaki akarima mbesa munyika iyoyo, gore iroro akakohwa mbesa dzakawanda kwazvo, Tenzi akamukomborera |
| 13 |
| akava mupfumi. Akaramba achibudirira kudzamara ava noupfumi hwakawanda. |
| 14 |
| Akanga ano upfumi hwemombe nezvimwe zvipfuwo navaranda vazhinji zvokuti vaFirisitia vakamuitira shanje. |
| 15 |
| VaFirisitia vakafushira vakazadza namavhu matsime ose akanga acherwa navaranda vababa wavo Abhurahamu, akacherwa Abhurahamu achiri mupenyu. |
| 16 |
| Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.” |
| 17 |
| Naizvozvo Isaki akatamapo akandodzika matendhe ake mubani reGerari, akamboita musha wake ipapo. |
| 18 |
| Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake. |
| 19 |
| Varanda vaIsaki vakati vachichera mubani umu, vakawanawo tsime remvura yechitubu. |
| 20 |
| Vafudzi vomuGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaki vachiti, “Mvura iyi ndeyedu.” Saka Isaki akatumidza tsime irori zita rokuti, “Nharo,” nokuti vakanga vaitirana nharo navo. |
| 21 |
| Varanda vaIsaki vakacherazve rimwe tsime. Vakaitirana nharo zvakare navafudzi vomuGerari pamusoro paro, Isaki akaritumidza zita rokuti, “Ruvengo.” |
| 22 |
| Isaki akazobvapo akandocherazve rimwe tsime. Ipapo havana kuzomboitirana nharo. Akabva aritumidza zita rokuti, “Ziendanakuenda,” vachiti, “Zvino Tenzi atipa nzvimbo huru kuti tigova vazhinji munyika ino.” |
| 23 |
| Zvino Isaki akabvapo akatamira kuBheerishebha. |
| 24 |
| Tenzi akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatye zvako nokuti ndinewe. Ndichakukomborera ndichiita kuti vana vako vawande kwazvo pamusana paAbhurahamu muranda wangu.” |
| 25 |
| Isaki akavaka atari ipapo akanamata Tenzi ndokubva adzika tendhe yake ipapo. Varanda vake vakacherapo tsime. |
| 26 |
| Ipapo Abhimereki nejinda rake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake vakabva Gerari vakaenda kuna Isaki. |
| 27 |
| Isaki akavati, “Mavingeiko kuno? Handiti munondivenga imi. Inga makandidzinga wani kwenyu!” |
| 28 |
| Ivo ndokuti, “Tanyatsoona kuti Tenzi anewe. Saka tanga tafunga kuti dai paitwa chibvumirano pakati pedu newe, tiite chitenderano |
| 29 |
| chokuti ugorega kutiitira zvakaipa. Sezvatakaita isu, hatina chatakakutadzira asi takakuitira zvakanaka tikazotiwo uende zvako zvakanaka. Nhasi iwe wava nechikomborero chaTenzi.” |
| 30 |
| Isaki akavaitira mabiko vakadya vakanwa. |
| 31 |
| Vakafumomuka vakaita chibvumirano. Isaki akavaperekedza ndokuenda zvavo norugare. |
| 32 |
| Nomusi iwoyo varanda vaIsaki vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tabata mvura.” |
| 33 |
| Isaki akatumidza tsime iri zita rokuti, “Mhiko.” Naizvozvo zita reguta iroro rinonzi Bheerishebha kusvikira pari nhasi. |
| 34 |
| Esau paakanga ava namakore makumi mana, akaroora vakadzi vechiHiti kwaiti Judhisi mwana waBheeri naBhasimati mwana waEroni. |
| 35 |
| Vakadzi vacho vaifurusa Isaki naRibheka. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/genesis/026.mp3
50
26