Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, "Mwana wangu;" iye akati kwaari, "Ndiri pano hangu." |
| 2 |
| Akati, "Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu. |
| 3 |
| Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka; |
| 4 |
| undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndidye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa." |
| 5 |
| Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo. |
| 6 |
| Rabheka akataura naJakobho, mwanakomana wake, akati, "Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti, |
| 7 |
| `Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.' |
| 8 |
| Zvino mwana wangu, teerera inzwi rangu sezvandinokuraira. |
| 9 |
| Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, sezvavanoda; |
| 10 |
| ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa." |
| 11 |
| Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, "Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere. |
| 12 |
| Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava somunyengedzeri pamberi pavo, ndikazviuyisira kutukwa pachigaro chokuropafadzwa." |
| 13 |
| Mai vake vakati kwaari, "Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako inzwi rangu, uende unditorere idzo." |
| 14 |
| Iye akaenda, akadzitora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidikamwa nababa vake. |
| 15 |
| Zvino Rabheka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwanakomana wake muduku; |
| 16 |
| akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere; |
| 17 |
| akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwanakomana wake. |
| 18 |
| Iye akaenda kuna baba vake, akati, "Baba vangu;" ivo vakati, "Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?" |
| 19 |
| Jakobho akati kuna baba vake, "Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze." |
| 20 |
| Isaka akati kumwanakomana wake, "Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu?" Iye akati, "Nokuti Jehovha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu. " |
| 21 |
| Isaka akati kuna Jakobho, "Chimboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe." |
| 22 |
| Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubatabata, vakati, "Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau." |
| 23 |
| Asi haana kumuziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza. |
| 24 |
| Akati, "Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here?" Iye akati, "Ndini iye." |
| 25 |
| Akati, "Uiswededze pedo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwanakomana wangu, mweya wangu ukuropafadze." Iye akaiswededza pedo naye, akadya; akamupawo waini, akamwa. |
| 26 |
| Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, "Swedera zvino unditsvode, mwana wangu." |
| 27 |
| Akaswedera, akamutsvoda; akanzwa munhuwi wenguvo dzake, akamuropafadzwa, akati, "Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha; |
| 28 |
| Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda. |
| 29 |
| Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe." |
| 30 |
| Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake. |
| 31 |
| Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, "Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze." |
| 32 |
| Ipapo Isaka baba vake vakati, "Ndiwe aniko?" Iye akati, "Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau." |
| 33 |
| Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, "Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropafadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharopafadzwa hake." |
| 34 |
| Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, "Ndiropafadzei neniwo, baba vangu! " |
| 35 |
| Akati, "Munun'una wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako." |
| 36 |
| Iye akati, "Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? Nokuti zvino wandinyengedzera kaviri; wambonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwangu." Akati, "Hamuna kundichengeterawo kuropafadzwa here?" |
| 37 |
| Isaka akapindura, akati kuna Esau, "Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?" |
| 38 |
| Esau akati kuna baba vake, "Munongova nokuropafadza kumwe koga here, baba vangu? Ndiropafadzei, neniwo, baba vangu!" Esau akachema nokuchema. kukuru. |
| 39 |
| Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, "Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro; |
| 40 |
| uchararama nomunondo wako, uchashumira munun'una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako." |
| 41 |
| Esau akavenga Jakobho nokuda kokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, "Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho." |
| 42 |
| Zvino Rabheka akaudzwa mashoko aEsau, mwanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, "Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya. |
| 43 |
| Saka zvino, mwana wangu, teerera inzwi rangu; simuka utizire Harani kuna Rabhani hanzvadzi yangu; |
| 44 |
| undogara kwaari mazuva mashomanana, kusvikira shungu dzomukoma wako dzanyarara; |
| 45 |
| kusvikira kutsamwa komukoma wako kwanyarara kwauri, kana akangamwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mumwe imwi mose muri vaviri?" |
| 46 |
| Rabheka akati kuna Isaka, "Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu ungandibatsirei?" |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/genesis/027.mp3
50
27