|
| 1 |
|
| Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva. |
|
| 2 |
|
| Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru. |
|
| 3 |
|
| Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro. |
|
| 4 |
|
| Jakobho akati kwavari, “Hama dzangu, mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva Harani.” |
|
| 5 |
|
| Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here?” Vakati, “Tinomuziva.” |
|
| 6 |
|
| Akati kwavari, “Wakafara here?” Ivo vakati, “Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai.” |
|
| 7 |
|
| Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.” |
|
| 8 |
|
| Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.” |
|
| 9 |
|
| Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo. |
|
| 10 |
|
| Zvino Jakobho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake. |
|
| 11 |
|
| Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo. |
|
| 12 |
|
| Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake. |
|
| 13 |
|
| Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose. |
|
| 14 |
|
| Rabhani akati kwaari, “Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu.” Akagara naye mwedzi wose. |
|
| 15 |
|
| Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Ko ungandibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko.” |
|
| 16 |
|
| Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Rakeri. |
|
| 17 |
|
| Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso. |
|
| 18 |
|
| Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.” |
|
| 19 |
|
| Rabhani akati kwaari, “Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.” |
|
| 20 |
|
| Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda. |
|
| 21 |
|
| Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.” |
|
| 22 |
|
| Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo. |
|
| 23 |
|
| Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari. |
|
| 24 |
|
| Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. |
|
| 25 |
|
| Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?” |
|
| 26 |
|
| Rabhani akati, “Hakunzarwo kuno kwedu, kuti mun'una atange kuwaniswa, mukuru achigere. |
|
| 27 |
|
| Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.” |
|
| 28 |
|
| Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake. |
|
| 29 |
|
| Rabhani akapa Rakeri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. |
|
| 30 |
|
| Akapindawo kuna Rakeri, akada Rakeriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve. |
|
| 31 |
|
| Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Rakeri akanga asingabereki. |
|
| 32 |
|
| Rea akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubheni; nokuti wakati, “Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida.” |
|
| 33 |
|
| Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu;” akamutumidza zita rinonzi Simeoni. |
|
| 34 |
|
| Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu;” naizvozvo zita rake rakanzi Revhi. |
|
| 35 |
|
| Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha;” naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; akaguma kubereka. |
|
|
|
|