Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri. |
| 2 |
| Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure. |
| 3 |
| Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake. |
| 4 |
| Asi Esau akamhanya kundosangana naye uye akamumbundikira mumutsipa namaoko ake uye akamutsvoda. Uye vakachema. |
| 5 |
| Ipapo Esau akasimudza meso ake akaona madzimai navana. Akamubvunza akati, “Ndivanaaniko ava vaunavo?” Jakobho akapindura akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari.” |
| 6 |
| Ipapo varandakadzi navana vavo vakaswedera uye vakakotama pasi. |
| 7 |
| Zvimwe chetezvo, Rea navana vake vakasvika uye vakakotama pasi. Mushure mavo vose Josefa naRakeri, naivowo vakakotama pasi. |
| 8 |
| Esau akati, “Ko, unorevei namapoka ose andasangana nawo aya?” Iye akati, “Kuti ndiwane nyasha pamberi penyu, ishe wangu.” |
| 9 |
| Asi Esau akati, “Ndatova nezvizhinji, munun'una wangu. Chizvichengetera iwe zvaunazvo.” |
| 10 |
| Jakobho akati, “Kwete ndapota! Kana ndawana nyasha kwamuri gamuchirai henyu chipo ichi kubva kwandiri. Nokuti kuona chiso chenyu kunenge kuona chiso chaMwari, sezvo zvino mandigamuchira zvakanaka kudai. |
| 11 |
| Ndapota, gamuchirai chipo chandakuvigirai, nokuti Mwari akandiitira nyasha uye ndine zvose zvandinoda.” Uye nokuda kwokuti Jakobho akaramba achimugombedzera, Esau akazochigamuchira. |
| 12 |
| Ipapo Esau akati, “Ngatiendei zvedu; ndichakuperekedzai.” |
| 13 |
| Asi Jakobho akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku uye kuti ndinofanira kuchengetedza makwai nemombe dziri kunwisa. Kana zvikanyanya kutinhwa nezuva rimwe chete, zvingazofa. |
| 14 |
| Saka ishe wangu ngaatungamire hake mberi kwomuranda wake, ini ndichifamba hangu zvishoma zvishoma nenhambwe dzinoenderana nezvipfuwo zviri mberi kwangu, uyewo zvinoenderana navana, kudzamara ndasvika kuna she wangu kuSeiri.” |
| 15 |
| Esau akati, “Zvino chirega ndisiye vamwe vanhu vangu newe.” Jakobho akabvunza akati, “Asi mungaitireiko izvozvo? Regai ndiwane nyasha pamberi pashe wangu bedzi.” |
| 16 |
| Saka pazuva iroro, Esau akapinda munzira yake akadzokera kuSeiri. |
| 17 |
| Zvisinei hazvo, Jakobho akaenda kuSukoti, kwaakazvivakira imba yake uye akaitirawo zvipfuwo zvake matanga. Ndokusaka nzvimbo iyo ichinzi Sukoti. |
| 18 |
| Shure kwokubva kwaJakobho kuPadhani Aramu, akasvika zvakanaka kuguta reShekemu muKenani uye akadzika musasa wake pakatarisana neguta. |
| 19 |
| Akatenga nzvimbo yaakadzika matende ake kubva kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu nezana resirivha. |
| 20 |
| Ndipo paakavaka aritari akaitumidza zita rokuti Eri Erohe Israeri. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/genesis/033.mp3
50
33