Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Jakobho akatarisa akaona Esau achiuya namazana mana avarume. Akakamura vana vake achiti Rea navake, Rakeri navake, varanda vechikadzi vaye vaviri navavowo. |
| 2 |
| Akatungamidza varanda vaye navana vavo pamberi, vachiteverwa naRea navana vake, kuchizouya Rakeri naJosefi kwokupedzesera. |
| 3 |
| Iye Jakobho akavatungamirira, achiswedera kune mukoma wake akamugwadamira pasi kanomwe kudzamara azosvika kwaaiva. |
| 4 |
| Asi Esau akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akati koche mutsipa wake akamutsvoda, ndokubva vose vasvimha kuburitsa misodzi. |
| 5 |
| Esau akatarisa akaona vakadzi navana akati, “Ko ava vaunavo ndivanaani?” Jakobho ndokuti, “Vana vangu ini muranda wenyu vandakapiwa naMwari nokuda kwenyasha dzake. |
| 6 |
| Varanda navana vavo vakaswederawopo vakamugwadamira. |
| 7 |
| Kwakatevera Rea navana vake vakauyapowo vakamugwadamira. Pakupedzesera, Josefi naRakeri vakauyawo vakamugwadamira.” |
| 8 |
| Esau akati, “Ko matanga namatanga ezvipfuwo andasangana nawo ndeeiko?” Jakobho akati, “Ndeokukutetai changamire kuti mundiitirewo tsiye nyoro.” |
| 9 |
| Esau akati, “Munun'una, ini ndinazvowo zvakawanda! Chengeta zvako zvinhu zvako!” |
| 10 |
| Jakobho akati, “Kweteka. Kana mandiitira mwoyo munyoro, ndinokumbira kuti mugamuchire zvenyu zvipo zvandiri kukupai. Pandaona chiso chenyu ndaita sendaona chiso chaMwari nokuti mandifarira zvikuru. |
| 11 |
| Gamuchirai zvenyu zvipo zvandakuigirai nokuti Mwari akaita zvokundiwodzvorera kwazvo. Chinondipa kudaro ndechokuti ndine zvose.” Akaramba achimunyengetedza kusvikira azvigamuchira. |
| 12 |
| Esau akazoti, “Ngatichisimukai tiende zvedu, ini ndichakutungamirirai pamberi.” |
| 13 |
| Asi Jakobho akamuti, “Changamire munoziva kuti vapwere havana kusimba. Uye ndinotyirawo hwai nemombe dzandinadzo dziri kuyamwisa. Kana zvikanyanya kumhanyiswa kwezuva rimwechete zvaro matanga ose ezvipfuwo zvinopera kufa. |
| 14 |
| Zvino dai mukatungamira zvenyu pamberi pomuranda wenyu changamire. Ini ndichatevera zvangu zvishoma nezvishoma kudzamara ndasvika kwamuri kuSeiri sokufamba kwezvipfuwo zvandiri kutinha izvi nokufambawo kwavana, changamire.” |
| 15 |
| Esau ndokuti, “Kana zvakadaro rega ndikusiyire vamwe varume vandinavo.” Jakobho akati, “Ko munenge muchadarirei nhai changamire? Inga mandiitira mwoyo munyoro wani.” |
| 16 |
| Nokudaro Esau akabvapo zuva iroro odzokera zvake kuSeiri. |
| 17 |
| Asi Jakobho akaenda kuSukoti akambovaka musha wake namatanga ezvipfuwo zvake ikoko. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Sukoti. |
| 18 |
| Jakobho akasvika zvakanaka kuShikemu munyika yeKanani achibva kuMesopotamia, akasvikodzika matendhe ake pedyo neguta reShikemu. |
| 19 |
| Jakobho akatenga katunhu ikako kaakadzika matendhe ake kuna Hamori baba waShikemu. Akabvisa zana remari yamapesita yesirivha. |
| 20 |
| Akavaka atari ipapo akaitumidza zita rokuti Erieroheisiraeri. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/genesis/033.mp3
50
33