|
| 1 |
|
| Mwari akataurira Jakobho kuti, “Chisimuka uende kuBhetieri ugareko, undigadzirire atari ikoko ini Mwari nyakuzviratidza kwauri panguva yawakatiza mukoma wako Esau.” |
|
| 2 |
|
| Jakobho ndokuudza mhuri yake navose vaaive navo kuti, “Rasai vamwari vamunavo vasirivo, mushambe mupfeke dzimwe hanzu. |
|
| 3 |
|
| Tichaenda kuBhetieri kundogadzira atari yokunamatira Mwari akandinzwa akandibatsira pandaitambudzika. Aiva neni kwose kwandaienda.” |
|
| 4 |
|
| Vakabva vapa Jakobho vamwari vasirivo vavakanga vainavo, nemhete dzaiva munzeve dzavo. Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuoku waiva pedyo neShikemu akazvifushira. |
|
| 5 |
|
| Kuzoti vapinda munzira, vanhu vamaguta omunharaunda iyoyo vakabatwa nokutya kwakabva kuna Mwari zvokuti havana kudzingirira vanakomana vaJakobho. |
|
| 6 |
|
| Jakobho navanhu vake vose vaaiva navo vakazosvika kuguta rainzi Ruzi kana kuti Bhetieri riri munyika yeKanani. |
|
| 7 |
|
| Akavaka atari ipapo akapatumidza zita rokuti Eribhetieri nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo panguva iya yaakatiza mukoma wake. |
|
| 8 |
|
| Ipapo ndipo pakafira Dhebhora akarera Ribheka. Akavigwa pasi pomuoku kumaodzanyemba kweBhetieri. Saka muti wacho wakatumidzwa zita rokuti Muoku Wokuchema. |
|
| 9 |
|
| Jakobho paakanga adzoka kuMesopotamia Mwari akazviratidzazve kwaari akamukomborera. |
|
| 10 |
|
| Mwari akati kwaari, “Handiti zita rako ndiJakobho, kubvira zvino hauchanzi Jakobho, wava kunzi Isiraeri.” Naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Isiraeri. |
|
| 11 |
|
| Mwari akamutizve, “Ndini iye Aripagomo. Bereka vana, muwande. Mumhuri yako muchabuda ndudzi dzavanhu muchabudawo madzimambo. |
|
| 12 |
|
| Nyika yandakanga ndapa Abhurahamu naIsaki ndinokupa iwe, ndinopawo nyika iyoyo kuzvizvarwa zvako zvichauya.” |
|
| 13 |
|
| Mwari akazobva paakanga achitaura naye oenda zvake kudenga. |
|
| 14 |
|
| Jakobho akamisa ibwe refu rechiyeuchidzo panzvimbo apa pakataura Mwari naye, akadururira pamusoro paro mupiro wechokunwa akadururirawo mafuta pariri. |
|
| 15 |
|
| Jakobho akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bhetieri. |
|
| 16 |
|
| Vakabva kuBhetieri vosimudzira rwendo rwavo voenda. Asi vachiri chinhambwe nokusvika munyika yeEfurati nguva yaRakeri yokusununguka yakasvika. Rakeri akatambura chaizvo pakusununguka kwake. |
|
| 17 |
|
| Zvaakanga ari pahata akatambura zvikuru, vanyamukuta vakati, “Usatye zvako wapiwa zvakare chimwe chikomana.” |
|
| 18 |
|
| Rakeri akataura achitandadza kuti zita romwana rinonzi Bhenoni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini. |
|
| 19 |
|
| Rakeri akafirapo akavigwa panzira inoenda kuEfurati kana kuti Bheterehemu. |
|
| 20 |
|
| Jakobho akamisa ibwe refu kumusoro kweguva rake. Ndiro ibwe refu repaguva raRakeri riripo nanhasi uno. |
|
| 21 |
|
| Isiraeri wakareyo Jakobho akabvapo osimudzira rwendo rwake akandodzika matendhe ake ave panzvimbo yokunge tapfuura shongwe yeEdheri. |
|
| 22 |
|
| Isiraeri paaiva agereko Rubheni dangwe rake rakatadza naBhiriha murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa. Jakobho aiva navana vakomana gumi navaviri. |
|
| 23 |
|
| Vanakomana vaRea ndiRubheni dangwe rake, naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni. |
|
| 24 |
|
| Vanakomana vaRakeri ndiJosefi naBhenjamini. |
|
| 25 |
|
| Vanakomana vaBhiriha muranda wechikadzi waRakeri ndiDhani naNafutari. |
|
| 26 |
|
| Vanakomana vaZiripa muranda wechikadzi waRea ndiGadhi naAsheru. Ivava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa kuMesopotamia. |
|
| 27 |
|
| Jakobho akandoona baba vake Isaki kuMamure kana kuti guta reAribha ndiro rimwechetero rinonzi Hebhuroni. Kwakambogara Abhurahamu naIsaki. |
|
| 28 |
|
| Isaki akagara zana namakumi masere amakore. |
|
| 29 |
|
| Isaki akazochembera zvake akakwegura zvokugutsikanawo ndokufa zvake oendawo kwakaenda vamwe vokwake vachakabvu. Esau naJakobho vana vavo vakavaviga. |
|
|
|
|