|
| 1 |
|
| Zvino Mwari akati kuna Jakobho, “Simuka, ukwire Bhetieri, undogara ikoko; uitire Mwari atari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako.” |
|
| 2 |
|
| Ipapo Jakobho akati kumhuri yake, navose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei, mufuke dzimwe nguo; |
|
| 3 |
|
| tisimuke, tikwire Bhetieri; ipapo ndichaitira Mwari atari, iye akanga aneni panzira yandakanga ndichifamba nayo.” |
|
| 4 |
|
| Ivo vakapa Jakobho vamwari vose vedzimwe ndudzi vakanga vari pamaoko avo, nezvindori zvakanga zviri panzeve dzavo; Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuouki wakanga uri paShekemu. |
|
| 5 |
|
| Vakapfuura norwendo rwavo, maguta akanga akavakomba akatya Mwari kwazvo, vakasateverera vanakomana vaJakobho. |
|
| 6 |
|
| Jakobho akasvika Ruzi, guta riri panyika yeKenani (rimwe zita ndiBhetieri), iye navanhu vose vaakanga anavo. |
|
| 7 |
|
| Akavakapo atari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribhetieri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake. |
|
| 8 |
|
| Debhora, mureri waRabheka, akafa, akavigwa zasi kweBhetieri munyasi momuoki; zita rapo rikanzi Aronibhakuti. |
|
| 9 |
|
| Ipapo Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho pakubva kwake Padhani-aramu, akamuropafadza. |
|
| 10 |
|
| Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, zita rako harichazonzi Jakobho, asi zita rako richanzi Isiraeri;” akamutumidza zita rinonzi Isiraeri. |
|
| 11 |
|
| Zvino Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari waMasimbaose; bereka vana, uwande; rudzi neboka rendudzi zvichabuda kwauri, namadzishe achabuda pachiuno chako; |
|
| 12 |
|
| nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka, ndichakupa iyoyo; vana vako vanokutevera ndichavapa nyika iyoyo.” |
|
| 13 |
|
| Mwari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakanga achitaura naye. |
|
| 14 |
|
| Jakobho akamisa shongwe ipapo paakanga ataura naye, shongwe yebwe; akadurura pamusoro payo chipiriso chinodururwa, akadirawo mafuta pamusoro payo. |
|
| 15 |
|
| Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo, pakanga pataura Mwari naye, zita rinonzi Bhetieri. |
|
| 16 |
|
| Zvino vakafamba vachibva Bhetieri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Racheri akazvara, akatambudzika pakupona kwake. |
|
| 17 |
|
| Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvino uchava nomumwe mwanakomanazve.” |
|
| 18 |
|
| Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini. |
|
| 19 |
|
| Racheri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBhetirehemu). |
|
| 20 |
|
| Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRacheri kusvikira zuva ranhasi. |
|
| 21 |
|
| Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri. |
|
| 22 |
|
| Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri; |
|
| 23 |
|
| vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimioni, naRevhi, naJudha, naIsakari, naZebhuroni; |
|
| 24 |
|
| vanakomana vaRacheri: Josefa naBhenjamini; |
|
| 25 |
|
| vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRacheri: Dhani naNafutari; |
|
| 26 |
|
| vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhani-aramu. |
|
| 27 |
|
| Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vatorwa. |
|
| 28 |
|
| Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere. |
|
| 29 |
|
| Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga. |
|
|
|
|