Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaEsau ainziwo Edhomu. |
| 2 |
| Esau akaroora madzimai echiKanani vaiti; Adha mwana waEroni werudzi rwavaHiti naOhoribhama mwana waAna, mwanakomana waZibheoni worudzi rwavaHivhi, |
| 3 |
| naBhasimati hanzvadzi yaNebhayoti mwana waIshimaeri. |
| 4 |
| Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasimati akaberekawo Rueri. |
| 5 |
| Ohoribhama akabereka Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo vanakomana vaEsau vakaberekerwa munyika yeKanani. |
| 6 |
| Esau akasiya munun'una wake Jakobho ndokubva atamira kure. Akaendako namadzimai ake navana vake vakomana navasikana navanhu vake vose. Akaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvake noupfumi hwake hwose hwaakanga awana munyika yeKanani. |
| 7 |
| Esau akatama nokuti iye naJakobho vakanga vava nezvipfuwo noupfumi hwakawanda, vasisinawo mafuro anovakwanira kuti vagare pamwechete. |
| 8 |
| Esau akandogara mumakomo mudunhu reSeiri. Esau uyu ndiye akarevo Edhomu. |
| 9 |
| Hezvinoi zvizukuru zvokwaEsau tateguru weEdhomu aigara munyika yamakomo yeEdhomu. |
| 10 |
| Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau. Adha mudzimai waEsau akabereka Erifazi. Bhasimati mukadzi waEsau akaberekawo Rueri. |
| 11 |
| Vanakomana vaErifazi ndiTemani naOmari naZefo naGatamu naKenazi. |
| 12 |
| Timuna akanga ari murongo waErifazi mwanakomana waEsau, naiyewo akaberekera Erifazi mwana mukomana ainzi Amareki. Ivava ndivo vanakomana vaAdha mukadzi waEsau. |
| 13 |
| Avawo ndivo vanakomana vaRueri kwaiti, Nahati naZera naShama naMiza. Ivava ava ndivo vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau. |
| 14 |
| Mudzimai waEsau ainzi Ohoribhama mwanasikana waAna, mwanakomana waZibheoni, akabereka Jehushi naJaramu naKora. |
| 15 |
| Dangwe raEsau rainzi Erifazi, rakabereka vanakomana vakazova madzishe. Madzishe acho ndiwo ano aya: Temani naOmari naZefo naKenazi, |
| 16 |
| naKora naGatamu naAmareki. Ndiwo madzishe okwaErifazi aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naAdha. |
| 17 |
| Mwana waEsau ainzi Rueri akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndeaya: Nahati naZera naShama naMiza ivava ndivo madzishe okwaRueri aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naBhasimati mukadzi waEsau. |
| 18 |
| Ohoribhama mudzimai waEsau akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndiwo anowo aya anoti: Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo madzishe akaberekwa nomudzimai waEsau mwanasikana waAna. |
| 19 |
| Saka ivava ndivo vanakomana vaEsau kana kuti Edhomu pamwechete namadzishe avo. |
| 20 |
| Ava ndivo vanakomana vaSeiri vorudzi rwechiHori vagari vomunyika iyoyo. Kwaiti Rotani naShobharu naZibheoni naAna, |
| 21 |
| kwoti Dhishoni naEzeri naDhishani. Ivava ndivo vaiva madzishe evaHori munyika yeEdhomu. |
| 22 |
| Vanakomana vaRotani ndevano ava Hori naHemamu. Timina ndiyo yaiva hanzvadzi yaRotani. |
| 23 |
| Vanakomana vaShobharu ndivo avawo, Arivhani naManahati naEbhari naShefo naOnamu. |
| 24 |
| Vanakomana vaZibheoni ndaava vanoti Aiya naAna. Ndiye Ana uya akawana zvitubu zvemvura inopisa musango, achifudza madhongi ababa vake Zibheoni. |
| 25 |
| Ana akabereka mwana mukomana ainzi Dhishani akaberekawo mwanasikana ainzi Ohoribhama. |
| 26 |
| Vanakomana vaDhishani ndiHemudhani naEshibhani naItirani naKerani. |
| 27 |
| Vanakomana vaEzeru ndiBhirihani naZaavhani naAkani. |
| 28 |
| Vanakomana vaDhishani ndiUzi naArani. |
| 29 |
| Haanoi mazita amadzishe evaHori, kwaiti Rotani naShobharu naZebheoni naAna, |
| 30 |
| kwouya Dhishani naEzeri. Ivava ndiwo madzishe echiHori vaigara munyika yeSeiri namadzinza awo. |
| 31 |
| Haanoi madzimambo akatonga muEdhomu vaIsiraeri vasati vava namadzimambo. |
| 32 |
| Paiti Bhera mwanakomana waBheori akatonga muEdhomu. Zita reguta rake rainzi Dhinihabha. |
| 33 |
| Kuzoti Bhera afa, Jobhabhu mwanakomana waZera wokuBhozera ndiye akasara akatonga pachinzvimbo chake. |
| 34 |
| Jobhabhu akazofa ndokubva Hushamu wedunhu revaTemani atonga panzvimbo yake. |
| 35 |
| Pakafa Hushamu, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi akatonga pachinzvimbo chake. Ndiye Hadhadhi uya akakurira Midhiani kusango reMoabhu. Zita reguta rake rainzi Avhiti. |
| 36 |
| Hadhadhi akazofa, Samira wokuMasareka akabva atonga pachinzvimbo chake. |
| 37 |
| Samira akazofa, Shauro weRehobhoti naYufuratesi ndokutonga pachinzvimbo chake. |
| 38 |
| Shauro akafa Bhaarihanani mwanakomana waAkabhori ndokutonga pachinzvimbo chake. |
| 39 |
| Bhaarihanani, mwanakomana waAkabhori akafa, Hadhari akatonga pachinzvimbo chake. Zita reguta rake rainzi Pau. Zita romudzimai wake rainzi Mehetabheri, aberekwa naMatiredhi, mwanasikana waMezahabhi. |
| 40 |
| Mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, ndaaya anoti: Timina |
| 41 |
| naArivha naJeteti naOhoribhama, naEra naPinoni, |
| 42 |
| kwouya Kenazi naTemani, |
| 43 |
| naMibhuzari, naMagidhieri naIramu. Iwaya ndiwo madzishe okwaEdhomu namatunhu avo. Esau ndiye tateguru wavaEdhomu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/genesis/036.mp3
50
36