|
| 1 |
|
| Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti. |
|
| 2 |
|
| Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muljipiti. |
|
| 3 |
|
| Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake. |
|
| 4 |
|
| Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake. |
|
| 5 |
|
| Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda. |
|
| 6 |
|
| Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso. |
|
| 7 |
|
| Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, "Vata neni." |
|
| 8 |
|
| Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, "Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu; |
|
| 9 |
|
| hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?" |
|
| 10 |
|
| Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye, |
|
| 11 |
|
| nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. |
|
| 12 |
|
| Ipapo akamubata nguvo yake, akati, "Vata neni;" iye akasiya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze. |
|
| 13 |
|
| Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda, |
|
| 14 |
|
| akadana varume veimba yake, akataura navo akati, "Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru. |
|
| 15 |
|
| Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze." |
|
| 16 |
|
| Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba. |
|
| 17 |
|
| Akataura kwaari mashoko iwayo akati, "Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire. |
|
| 18 |
|
| Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze." |
|
| 19 |
|
| Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, "Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako," hasha dzake dzikamuka. |
|
| 20 |
|
| Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutirongo. |
|
| 21 |
|
| Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetirongo. |
|
| 22 |
|
| Mutariri wetirongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutirongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo. |
|
| 23 |
|
| Mutariri wetirongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa. |
|
|
|
|