Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. |
| 2 |
| Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru, |
| 3 |
| akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa. |
| 4 |
| Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, iye akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva. |
| 5 |
| Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetewo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva. |
| 6 |
| Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa. |
| 7 |
| Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?” |
| 8 |
| Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.” Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.” |
| 9 |
| Saka mudiri mukuru akataurira Josefa kurota kwake. Akati kwaari, “Mukurota kwangu ndaona muzambiringa pamberi pangu, |
| 10 |
| uye mumuzambiringa manga mune matavi matatu. Wati uchangobuka, waita maruva, uye masumbu awo aibva akava mazambiringa. |
| 11 |
| Mukombe waFaro wanga uri muruoko rwangu, uye ndatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFaro uye ndikaisa mukombe muruoko rwake.” |
| 12 |
| Josefa akati kwavari, “Uku ndiko kududzirwa kwadzo. Matavi matatu ndiwo mazuva matatu. |
| 13 |
| Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako uye agokudzosera pabasa rako, uye uchaisa mukombe waFaro muruoko rwake, sezvawaisimboita pawakanga uri mudiri wake. |
| 14 |
| Asi pazvinenge zvakunakira iwe, undirangarire uye undiitirewo ngoni; undireverere kuna Faro kuti ndigobudiswa mutorongo rino. |
| 15 |
| Nokuti ndakatorwa nokumanikidzwa kubva kunyika yavaHebheru, kunyange pano handina chinhu chakafanira kuti ndipinzwe mugomba rino.” |
| 16 |
| Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pana matengu matatu echingwa. |
| 17 |
| Mudengu rapamusoro manga mune mhando dzose dzezvinhu zvakabikwa zvaFaro, asi shiri dzanga dzichidya kubva mudengu ranga riri pamusoro pangu.” |
| 18 |
| Josefa akati, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo. Matengu matatu ndiwo mazuva matatu. |
| 19 |
| Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako uye agokuturika pamuti. Uye shiri dzichadya nyama yako.” |
| 20 |
| Zvino zuva rechitatu rakanga riri zuva rokuzvarwa kwaFaro, uye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza misoro yavaranda vake vaiti mudiri mukuru nomubiki mukuru pamberi pavaranda vake. |
| 21 |
| Akadzosera mudiri mukuru pabasa rake, zvokuti akaisazve mukombe muruoko rwaFaro, |
| 22 |
| asi akaturika mubiki mukuru pamuti, sezvazvakanga zvataurwa naJosefa kwavari mukududzira kwake. |
| 23 |
| Kunyange zvakadaro hazvo, mudiri mukuru haana kurangarira Josefa; akamukanganwa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/genesis/040.mp3
50
40