|
| 1 |
|
| Kwakati kwapera nguva yakati kuti, mukuru mukuru wamambo weIjipiti wokuona nezvewaini, nomukuru mukuru wavabiki vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. |
|
| 2 |
|
| Farao akashatirirwa vashandi vake vaviri ava vanoti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki. |
|
| 3 |
|
| Akavasunga akavapfigira mumba yomukuru mukuru wavachengeti vokwamambo, mujeri makanga makaiswawo Josefi muya. |
|
| 4 |
|
| Mukuru mukuru wavachengetedzi iyeyo akaudza Josefi kuti avashandire. Vakagara mujeri kwenguva ndefu. |
|
| 5 |
|
| Rimwe zuva vashandi vamambo weIjipiti vaviri vaya, vaiti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki vachiri mujeri kudaro, vakarota hope usiku humwechete. Mumwe nomumwe wavo akarota hope dzake dzaiva nezvadzaireva. |
|
| 6 |
|
| Ava mangwanani Josefi akauya akavaona vakasuruvara. |
|
| 7 |
|
| Akabvunza vashandi vaFarao ava vaiva mujeri pamwechete naye muimba yatenzi wake achiti, “Ko nhasi uno zviso zvenyu zvakati hurududu kusuwa seiko?” |
|
| 8 |
|
| Vakamuti, “Tarota hope dzedu, asi tashaya munhu anogona kudzidudzira.” Josefi ndokuti kwavari, “Ko handiti kududzira hope ndokwaMwari here? Dondirondedzerai henyu ndinzwe.” |
|
| 9 |
|
| Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akarondedzera Josefi hope dzake achiti, “Ndarota ndichiona mugirepisi. |
|
| 10 |
|
| Mugirepisi wacho wanga una mapazi matatu. Pawangoti bukirei, wabva waburitsa tumaruva. Matsumbu awo akabva aita magirepisi akaibva. |
|
| 11 |
|
| Ndanga ndakabata mukombe waFarao muruoko rwangu. Ndatora magirepisi ndikasvinira muto wacho mumukombe ndikapa Farao.” |
|
| 12 |
|
| Josefi akamuti, “Hezvinoi zvadzinoreva: Mapazi matatu anoreva mazuva matatu. |
|
| 13 |
|
| Kana mazuva matatu apera, Farao achatonga mhosva yenyu, agokudzoserai kubasa renyu. Ipapo muchagamuchidzazve mambo mukombe wake sezvamaiita kare somukuru mukuru wokuona nezvewaini. |
|
| 14 |
|
| Asi ndinokumbira kuti muzondiyeukawo kana zvazokufambirai zvakanaka. Mundinzwire tsitsi, mundirevererewo kuna Farao, kuti ndibudiswe muno, |
|
| 15 |
|
| nokuti zvechokwadi ini ndakabiwa kunyika yavaHebheru. Kunyange kuno hapana chandakatadza chingasakise kuti ndiiswe mujeri.” |
|
| 16 |
|
| Kuzoti mukuru mukuru wavabiki anzwa dudziro yakanaka yakanga yapiwa naJosefi akati, “Neniwo ndarota ndakatakura pamusoro tswanda nhatu dzakaturikidzana dzanga dziine chingwa. |
|
| 17 |
|
| Mutswanda yapamusoro manga muine mhando nemhando dzezvokudya zvaFarao, asi zvanga zvichidyiwa neshiri zviri mutswanda yanga iri pamusoro pangu.” |
|
| 18 |
|
| Josefi ndokupindura achiti, “Izvi ndizvo zvinoreva hope dzenyu: Tswanda nhatu dzinoreva mazuva matatu. |
|
| 19 |
|
| Kana mazuva matatu apera, Farao achatonga mhosva yenyu, agokusungirirai mumuti shiri dzichizodya mutumbi wenyu.” |
|
| 20 |
|
| Kuzoti kwapera mazuva matatu, mambo Farao akaitira varanda vake mabiko okupemberera zuva rokuberekwa kwake. Akaunza padare mukuru mukuru wokuona nezvewaini pamwechete nomukuru mukuru wavabiki uya paiva namakurukota ake. |
|
| 21 |
|
| Mukuru mukuru wokuona nezvewaini akadzorerwa pabasa rake rakare rokugamuchidza mambo waini. |
|
| 22 |
|
| Asi mukuru mukuru wavabiki akamusungirirwa mumuti, sokududzirwa kwazvakanga zvaitwa naJosefi. |
|
| 23 |
|
| Mukuru mukuru wokuona nezvewaini uya haana kuzorangarira Josefi, asi akatomukanganwa. |
|
|
|
|