|
| 1 |
|
| Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo. |
|
| 2 |
|
| Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Ijipiti, baba vavo vakati kwavari, "Dzokai, endaizve mutitengere zvokudya zvishoma." |
|
| 3 |
|
| Judha akataura navo, akati, "Murume uya akatinyevera kwazvo, akati, `Hamungatongooni chiso changu, kana munun'una wenyu asati anemi.' |
|
| 4 |
|
| Kana mukatuma munun'una wedu nesu, tichaburuka, kundotenga zvokudya; |
|
| 5 |
|
| asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, `Hamungaoni chiso changu, kana munun'una wenyu asati anemi.' " |
|
| 6 |
|
| Isiraeri akati, "Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza murume uya kuti munomunun'una?" |
|
| 7 |
|
| Ivo vakati, "Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, `Baba venyu vapenyu here? Mune munun'una here?' " Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, "Burukai nomunun'una wenyu?" |
|
| 8 |
|
| Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, "Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu. |
|
| 9 |
|
| Ini ndichava rubatso rwake; mungamureva paruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi. |
|
| 10 |
|
| Nokuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri." |
|
| 11 |
|
| Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, "Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuhwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda; |
|
| 12 |
|
| mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga yadzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvimwe vakakanganisa. |
|
| 13 |
|
| Nomunun'una wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo; |
|
| 14 |
|
| Mwari waMasimbaose ngaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munun'una wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu." |
|
| 15 |
|
| Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vakandomira pamberi paJosefa. |
|
| 16 |
|
| Zvino Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, "Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; nokuti varume ava vachadya neni masikati." |
|
| 17 |
|
| Murume uyo akaita sezvaakaudzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa. |
|
| 18 |
|
| Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, "Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita varanda vake, achitorawo mbongoro dzedu." |
|
| 19 |
|
| Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamusuo weimba; |
|
| 20 |
|
| vakati, "Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya; |
|
| 21 |
|
| tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunungura homwe dzedu, onei mari yomumwe nomumwe iri mumuromo wehomwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pamaoko edu. |
|
| 22 |
|
| Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvokudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?" |
|
| 23 |
|
| Iye akati, "Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri." Akavabudisira Simioni. |
|
| 24 |
|
| Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vakashambidza tsoka dzavo, akapawo mbongoro dzavo zvokudya. |
|
| 25 |
|
| Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachadya zvokudya ipapo. |
|
| 26 |
|
| Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba nechipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake. |
|
| 27 |
|
| Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, "Baba venyu vakafara here, uya mutana wamaireva? Vachiri vapenyu here?" |
|
| 28 |
|
| Ivo vakati, "Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu." Vakakotama, vakanamata. |
|
| 29 |
|
| Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munun'una wake, mwanakomana wamai vake, akati, "Ndiye here munun'una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?" Akati, "Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu." |
|
| 30 |
|
| Zvino Josefa akakurumidza, nokuti moyo wake wakachema munun'una wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo. |
|
| 31 |
|
| Akazoshambidza chiso chake, akabudazve, akazvidzora akati, "Pakurai zvokudya." |
|
| 32 |
|
| Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutenderwa kudya navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuna vaIjipiti. |
|
| 33 |
|
| Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashamiswa. |
|
| 34 |
|
| Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhenjamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakamwa, vakafara naye. |
|
|
|
|