|
| 1 |
|
| Josefi akatadza kuzvisimbisa ari mberi kwavanhu vaivapo akadaidzira achiti, “Vamwe vanhu mose chimbobudai zvenyu panze.” Josefi akasara achizivisa kuvakoma navanun'una vake kuti iye ndiani. |
|
| 2 |
|
| Akachema nezwi guru zvokuti vaIjipiti navanhu vomumuzinda waFarao vakamunzwa. |
|
| 3 |
|
| Josefi akaudza vakoma navanun'una vake kuti, “Ndini Josefi! Baba vangu vachiri vapenyu here?” Vakoma navanun'una vake vakashaya romuromo nazvo ndokuti tuzu voshamiswa kuti inga chokwadi ndiye. |
|
| 4 |
|
| Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti. |
|
| 5 |
|
| Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu. |
|
| 6 |
|
| Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa. |
|
| 7 |
|
| Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa. |
|
| 8 |
|
| Saka hamusirimi makandiunza kuno, asi zvakaitwa naMwari. Ndiye akandigadza ndikava jinda guru raFarao. Ndini changamire mumuzinda wamambo. Ndini ndinotonga nyika yake yose yeIjipiti. |
|
| 9 |
|
| “Chikurumidzai kuenda kuna baba vangu mundoti, ‘Zvanzi nomwana wenyu Josefi, Mwari akandiita changamire weIjipiti yose, uyai zvenyu kuno kwandiri, musanonoke. |
|
| 10 |
|
| Mungazogara zvenyu mudunhu reGosheni, muve pedyo neni munozogarako navana navazukuru venyu nemombe dzenyu nezvimwe zvipfuwo zvenyu nezvose zvamunazvo. |
|
| 11 |
|
| Ndichakuchengetai muri kuGosheni ikoko nokuti kuchine mamwe makore mashanu enzara. Mungadaro mukapinda muurombo imi nemhuri dzenyu nezvipfuwo zvenyu.’ |
|
| 12 |
|
| “Handiti muri kuzvionera nameso enyu newewo Bhenjamini munun'una wangu kuti ndini Josefi chaiye ndiri kutaura nemi nomuromo wangu. |
|
| 13 |
|
| Endai mundoudza baba wangu zvose zvoushe hwangu hwomuIjipiti. Vaudzeiwo zvose zvamaona mozokurumidza kuuya navo baba kuno.” |
|
| 14 |
|
| Josefi akambundirana naBhenjamini munun'una wake akabva ahwihwidza kuchema, Bhenjamini ndokuhwihwidzawo. |
|
| 15 |
|
| Ipapo Josefi akatsvoda vakoma vake vose achihwihwidza kuchema. Vakoma vake vakazokurukura naye. |
|
| 16 |
|
| Shoko rakazosvikawo kumuzinda waFarao rokuti vakoma vaJosefi vakasvika. Farao namachinda ake vakafara kwazvo. |
|
| 17 |
|
| Farao akati kuna Josefi, “Taurira vakoma vako kuti, ‘Chidaii izvi, takudzai madhongi enyu mudzokere kuKanani, |
|
| 18 |
|
| mundotora baba venyu nemhuri dzenyu muuye kuno kwandiri ndichakupai pokugara pakanakisisa muno muIjipiti, mugowana zvokudya mugere zvakanaka.’ |
|
| 19 |
|
| Uvatiwo, ‘Daii. Torai ngoro dzimwe dzomunyika ino yeIjipiti dzokutakurisa vana namadzimai enyu mundotora baba venyu muuye. |
|
| 20 |
|
| Regai zvenyu kuita hanya nezvezvinhu zvenyu zvichasarako, nokuti muchawana zvinhu zvakanyanya kunaka zvomuno muIjipiti.’ ” |
|
| 21 |
|
| Vanakomana ivava vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefi akavapa ngoro sezvaakanzi naFarao aite, akavapawo mbuva yaparwendo. |
|
| 22 |
|
| Josefi akapa vakoma vake mumwe nomumwe hanzu itsva. Asi akapa Bhenjamini hanzu shanu itsva, nemari yamashekeri yesirivha inokwana mazana matatu. |
|
| 23 |
|
| Akatumira baba vake madhongi gumi makono akanga akatakura zvinhu zvakanaka zvomuIjipiti. Akatakudzawo mamwe madhongi makadzi gumi mbesanwa nechingwa nezvokudya zvababa wake zvaparwendo. |
|
| 24 |
|
| Josefi akaonekana nehama dzake, asi pavakasimuka akavati, “Regai kukakavadzana munzira.” |
|
| 25 |
|
| Ipapo vakabva muIjipiti vakandosvika kunyika yeKanani kuna baba wavo Jakobho. |
|
| 26 |
|
| Vakasvikoti, “Josefi achiri mupenyu! Ndiye ari kutonga nyika yose yeIjipiti!” Zvakaomesa Jakobho mate mukanwa nokuti haana kubvuma zvaakataurirwa. |
|
| 27 |
|
| Jakobho akarondedzerwa zvose zvakanga zvarehwa naJosefi. Paakazoona ngoro dzakanga dzatumirwa naJosefi kuzovatakura, ndipo pakadzokazve simba rake. |
|
| 28 |
|
| Isiraeri akati, “Zvatokwana izvozvi mwana wangu Josefi mupenyu! Ndinoda kuenda chete ndindomuona ndisati ndafa.” |
|
|
|
|