|
| 1 |
|
| Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro. |
|
| 2 |
|
| Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, "Jakobho! Jakobho! " Iye akati, "Ndiri pano hangu." |
|
| 3 |
|
| Akati, "Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko; |
|
| 4 |
|
| ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako." |
|
| 5 |
|
| Jakobho akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure. |
|
| 6 |
|
| Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho navanakomana vake vose pamwechete naye; |
|
| 7 |
|
| vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti. |
|
| 8 |
|
| Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho. |
|
| 9 |
|
| Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami. |
|
| 10 |
|
| Navanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKenani. |
|
| 11 |
|
| Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari. |
|
| 12 |
|
| Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori. |
|
| 13 |
|
| Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni. |
|
| 14 |
|
| Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri. |
|
| 15 |
|
| Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu. |
|
| 16 |
|
| Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri. |
|
| 17 |
|
| Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri. |
|
| 18 |
|
| Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu. |
|
| 19 |
|
| Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini. |
|
| 20 |
|
| Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeljipiti, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, muprista weOni. |
|
| 21 |
|
| Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi. |
|
| 22 |
|
| Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana. |
|
| 23 |
|
| Navanakomana vaDhani: Hushimi. |
|
| 24 |
|
| Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi. |
|
| 25 |
|
| Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe. |
|
| 26 |
|
| Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu. |
|
| 27 |
|
| Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe. |
|
| 28 |
|
| Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni. |
|
| 29 |
|
| Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru. |
|
| 30 |
|
| Isiraeri akati kuna Josefa, "Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu." |
|
| 31 |
|
| Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, "Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, `Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri'; |
|
| 32 |
|
| varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo. |
|
| 33 |
|
| Zvino kana modamwa naFarao, akati, `Basa renyu nderei?' |
|
| 34 |
|
| Muti, `Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;' kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti." |
|
|
|
|