|
| 1 |
|
| Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, "Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera. |
|
| 2 |
|
| Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakobho, Teererai Isiraeri, baba venyu. |
|
| 3 |
|
| Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba; |
|
| 4 |
|
| Unotutuma semvura, haungavi noukuru; Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu. |
|
| 5 |
|
| Simiyoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba. |
|
| 6 |
|
| Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe. |
|
| 7 |
|
| Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri. |
|
| 8 |
|
| Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako. |
|
| 9 |
|
| Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? |
|
| 10 |
|
| Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye. |
|
| 11 |
|
| Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa. |
|
| 12 |
|
| Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka. |
|
| 13 |
|
| Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa; iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni. |
|
| 14 |
|
| Isakari imbongoro ine simba, Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai; |
|
| 15 |
|
| Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo. |
|
| 16 |
|
| Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri. |
|
| 17 |
|
| Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure. |
|
| 18 |
|
| Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha. |
|
| 19 |
|
| Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo. |
|
| 20 |
|
| Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe. |
|
| 21 |
|
| Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka. |
|
| 22 |
|
| Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro. |
|
| 23 |
|
| Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga; |
|
| 24 |
|
| asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri), |
|
| 25 |
|
| Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro. |
|
| 26 |
|
| Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake. |
|
| 27 |
|
| Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba." |
|
| 28 |
|
| Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake. |
|
| 29 |
|
| Akavaraira, akati kwavari, "Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti, |
|
| 30 |
|
| bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga; |
|
| 31 |
|
| ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea; |
|
| 32 |
|
| munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti." |
|
| 33 |
|
| Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake |
|
|
|
|