|
| 1 |
|
| Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda. |
|
| 2 |
|
| Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri n'anga, kuti vasasike baba vake, n'anga dzikasasika Isiraeri. |
|
| 3 |
|
| Vakapedza mazuva makumi mana naye, nokuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaljipiti vakamuchema mazuva makumi manomwe. |
|
| 4 |
|
| Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, "Zvino kana ndawana nyasha kwamuri, dorevai munzeve dzaFarao, muti, |
|
| 5 |
|
| `Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo.' Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka." |
|
| 6 |
|
| Farao akati, "Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa." |
|
| 7 |
|
| Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, navakuru venyika yeIjipiti, |
|
| 8 |
|
| naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vakazvisiya panyika yeGosheni, |
|
| 9 |
|
| ngoro navatasvi vamabhiza vakakwirawo naye, rikava boka guru-guru. |
|
| 10 |
|
| Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJorodhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe. |
|
| 11 |
|
| Zvino vanhu vaigara panyika yeKenani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, "Kuchema uku kukuru ndokwavaIjipiti;" naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJorodhani. |
|
| 12 |
|
| Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira; |
|
| 13 |
|
| nokuti vanakomana vake vakandomuisa kunyika yeKenani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya rakatengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakatarisana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga. |
|
| 14 |
|
| Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Ijipiti, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye kundoviga baba vake. |
|
| 15 |
|
| Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, "Zvimwe Josefa achativenga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira." |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, "Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti, |
|
| 17 |
|
| `Taurai naJosefa,' muti, `Zvino dokangamwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokangamwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu.' " Josefa akachema pakutaura kwavo naye. |
|
| 18 |
|
| Vakuru vake vakaendawo, vakawira pasi pamberi pake, vakati, "Tarirai, tiri varanda venyu." |
|
| 19 |
|
| Josefa akati kwavari, "Musatya, nokuti ini ndiri pachigaro chaMwari here? |
|
| 20 |
|
| Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe. |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo zvino musatya, ndichakuchengetai, nepwere dzenyu." Akavanyaradza, akataura navo nomoyo wakanaka. |
|
| 22 |
|
| Josefa akagara Ijipiti, iye naveimba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi. |
|
| 23 |
|
| Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa. |
|
| 24 |
|
| Josefa akati kuhama dzake, "Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho." |
|
| 25 |
|
| Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, "Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemwi mutakure mapfupa angu abve pano." |
|
| 26 |
|
| Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paIjipiti. |
|
|
|
|