Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari, |
| 2 |
| vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza. |
| 3 |
| Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.” |
| 4 |
| VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira. |
| 5 |
| Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzokufunga kwomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. |
| 6 |
| Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa. |
| 7 |
| Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” |
| 8 |
| Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha. |
| 9 |
| Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari. |
| 10 |
| Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti. |
| 11 |
| Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana. |
| 12 |
| Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo. |
| 13 |
| Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. |
| 14 |
| Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. |
| 15 |
| Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatua, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanub uye makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo. |
| 16 |
| Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe cheted kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro. |
| 17 |
| Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara. |
| 18 |
| Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri. |
| 19 |
| Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe. |
| 20 |
| Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. |
| 21 |
| Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.” |
| 22 |
| Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/genesis/006.mp3
50
6