Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Vanhu pavakatanga kuwanda panyika, vakabereka vana vasikana. |
| 2 |
| Vanakomana vaMwari vakaona kuti vasikana ivavo vakanga vakanaka, vakasarudza zvavo vakadzi vavakada, vakavaroora. |
| 3 |
| Tenzi akati, “Handichabvumiri kuti mweya wangu uri mumunhu ugare maari nokusingaperi nokuti munhu ndowenyama, anofa. Saka haachagara panyika nguva inodarika zana ramakore rina makore makumi maviri.” |
| 4 |
| Mazuva iwayo namazuva akatevera, panyika paiva nemazihofori chaiwo avanhu vakareba vakaberekwa navanakomana vaMwari pavakatorana navanasikana vavanhu. Vana vacho ndivo magamba aye makuru akarekare aiva nomukurumbira. |
| 5 |
| Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga. |
| 6 |
| Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo. |
| 7 |
| Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.” |
| 8 |
| Asi Tenzi akafadzwa zvake naNowa. |
| 9 |
| Izvi ndizvo zvizvarwa zvaNowa. Nowa akanga ari munhu akarurama ano unhu huzere chaihwo pachizvarwa chake. Nowa ainyatsowadzana naMwari. |
| 10 |
| Nowa aiva navana vakomana vatatu, mazita avo ndiShemu naHamu naJafeti. |
| 11 |
| Mukuona kwaMwari nyika yose yakanga yaora noupi, izere nokupandukirana. |
| 12 |
| Mwari akatarisa panyika ndokuona kuti paora kwazvo nouipi nokuti vanhu vose panyika vakanga voita zviito zvakaora. |
| 13 |
| Mwari akataurira Nowa kuti, “Ndafunga kutsakatisa vanhu vose nokuti ndivo vakaita kuti nyika izare nokupandukirana. Ndichavaparadza pamwechete nenyika. |
| 14 |
| Asi iwe chizvigadzirira ngarava yomuti womugoferi, uikamure-kamure kuita dzimba mukati mayo, uiname netara mukati nokunze. |
| 15 |
| Igadzire wakadai, urefu hwayo ngahuite zana nemakumi matatu amamita ana mamita matatu. Hwasha hwayo ngahuite makumi maviri amamita ana mamita maviri. Urefu hwayo kukwira mudenga kuite gumi ramamita namamita matatu. |
| 16 |
| Unoisa denga pangarava usiye gwanza rina masendimita makumi mana namana pakati pedenga nechengo chayo, uite musuo necheparutivi rwengarava. Igadzire iine uriri hutatu hwakaturikidzana. |
| 17 |
| Chinzwaka, ini ndichaunza panyika mafashamo emvura achaparadza zvinhu zvose zvino mweya unofema. Zvinhu zvose zviri panyika zvichafa. |
| 18 |
| Asi ini ndichaita chitenderano changu newe. Ndichati iwe upinde mungarava, nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. |
| 19 |
| Pamhando yoga yoga yezvinhu zvose zvipenyu unotora zviviri, chikono nechikadzi uende nazvo mungarava zvirarame pamwechete newe. |
| 20 |
| Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. |
| 21 |
| Unofanirawo kutora mhando dzose dzezvokudya uzviunganidzemo zvive chokudya chako nechazvo.” |
| 22 |
| Nowa akaita zvose zvaakanzi naMwari aite. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/genesis/006.mp3
50
6