|
| 1 |
|
| Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera. |
|
| 2 |
|
| Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa, |
|
| 3 |
|
| mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera. |
|
| 4 |
|
| Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati. |
|
| 5 |
|
| Mvura yakaramba ichingoserera kusvikira pamwedzi wegumi. Zvino mumwedzi wegumi, pazuva rokutanga rawo, misoro yamakomo yakaonekwa. |
|
| 6 |
|
| Kuzoti kwapera mazuva makumi mana, Nowa akazurura hwindo rengarava riya raakagadzira. |
|
| 7 |
|
| Akatuma gunguo asi rakaramba richidzengerera zvaro kusvikira mvura yapwa panyika. |
|
| 8 |
|
| Akazotumawo njiva achida kuziva kuti mvura yapwa here panyika. |
|
| 9 |
|
| Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. |
|
| 10 |
|
| Akagara mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya mungarava. |
|
| 11 |
|
| Ava manheru njiva yacho yakadzokera kwaari yakaruma pamuromo wayo shizha nyoro romuorivhi richangobva mukutanhwa. Saka Nowa akaziva kuti mvura yapwa panyika. |
|
| 12 |
|
| Akagara mamwe mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya, asi haina kuzodzokerazve kwaari. |
|
| 13 |
|
| Pazuva rokutanga, mumwedzi wokutanga wegore rechimazana matanhatu ane gore rimwechete raNowa rokuberekwa, mvura yakanga yapwa panyika. Nowa akabvisa denga rengarava akaona kuti mvura yakanga yapwa panyika uye pakaoma pava kutoonekwa. |
|
| 14 |
|
| Pazuva rechimakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yanyatsoti gwa kuoma. |
|
| 15 |
|
| Mwari akataurira Nowa kuti, |
|
| 16 |
|
| “Chibuda zvako mungarava iwe nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. |
|
| 17 |
|
| Ubudewo nezvinhu zvipenyu zvose zvaunazvo zvinoti, mhuka dzose neshiri nezvipfuwo nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi, zviite zararira kuwanda panyika, zviberekane zviwande panyika.” |
|
| 18 |
|
| Saka Nowa nomudzimai wake navanakomana vake navaroora vake vakabuda. |
|
| 19 |
|
| Mhuka dzose nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi neshiri dzose nezvose zvinofamba panyika zvakabuda mungarava zviri mhando nemhando. |
|
| 20 |
|
| Nowa akavakira Tenzi atari. Akatora mhuka imwechete pamhando yoga yoga yemhuka neyeshiri dzisina kun'ora, akapira mipiro yokupisa paatari. |
|
| 21 |
|
| Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo. |
|
| 22 |
|
| “Kana pasi richiripo, mwaka wokudyara nowokukohwa, wokutonhora nowokudziya, wezhizha nowechando, nguva yamasikati nousiku, zvichagara zviripo.” |
|
|
|
|