Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika. |
| 2 |
| Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai nokukuvhundukai, zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa; zvakapiwa mumaoko enyu. |
| 3 |
| Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose. |
| 4 |
| “Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi. |
| 5 |
| Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake. |
| 6 |
| “Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu. |
| 7 |
| “Kana murimi, berekanai uye muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.” |
| 8 |
| Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo, |
| 9 |
| “Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera, |
| 10 |
| uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika. |
| 11 |
| Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.” |
| 12 |
| Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: |
| 13 |
| Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. |
| 14 |
| Pose pandinouyisa makore, pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore, |
| 15 |
| ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose. |
| 16 |
| Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.” |
| 17 |
| Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.” |
| 18 |
| Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.) |
| 19 |
| Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika. |
| 20 |
| Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa. |
| 21 |
| Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake. |
| 22 |
| Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza vanun'una vake vaiva panze. |
| 23 |
| Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo. |
| 24 |
| Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku, |
| 25 |
| akati, “Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” |
| 26 |
| Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu. |
| 27 |
| Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.” |
| 28 |
| Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu. |
| 29 |
| Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/genesis/009.mp3
50
9