|
| 1 |
|
| Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika. |
|
| 2 |
|
| Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu. |
|
| 3 |
|
| Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro. |
|
| 4 |
|
| Asi chete nyama ichine ropa rayo, ichine upenyu hwayo, musaidye. |
|
| 5 |
|
| Ndinoti kuurayiwa kwenyu vanhu kunofanira kutoripwa. Mhuka kana munhu anouraya munhu ndinoda kuona kuti atoripa. Munhu anouraya mumwe munhu, mhaka iyoyo inoripwa norufu rwomunhu. |
|
| 6 |
|
| Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake. |
|
| 7 |
|
| “Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.” |
|
| 8 |
|
| Mwari akataurira Nowa navanakomana vake achiti, |
|
| 9 |
|
| “Chinzwai, ndava kuita chitenderano changu newe nezvizvarwa zvako zvichauya, |
|
| 10 |
|
| pamwechete nezvipenyu zvose zvaunazvo, zvinoti: shiri nezvipfuwo nemhuka dzose dzepanyika dzinewe nezvose zvabuda mungarava nemhuka dzose dzapasi pose. |
|
| 11 |
|
| Chitenderano chandinoita nemi ndechichi chokuti, ‘Handichazomboparadza zvakare zvipenyu zvose namafashamo emvura uye hakuchazovizve namafashamo emvura okuparadza pasi pose.’ ” |
|
| 12 |
|
| Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. |
|
| 13 |
|
| Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose. |
|
| 14 |
|
| Kana ndichinge ndauyisa makore panyika, muraraungu ukaonekwa mumakore, |
|
| 15 |
|
| ndipo pandichayeuka chitenderano changu chandaita nemi nezvipenyu zvose, saka mvura haizombove mafashamo okuparadza zvinhu zvipenyu zvose. |
|
| 16 |
|
| Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” |
|
| 17 |
|
| Mwari akataurira Nowa achiti, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” |
|
| 18 |
|
| Vanakomana vaNowa vakabuda mungarava ndiShemu naHamu naJafeti. Hamu ndiye baba vaKanani. |
|
| 19 |
|
| Ivava ndivo vanakomana vatatu vaNowa. Kwavari ivava ndiko kwakazobva vanhu vose vari panyika pano. |
|
| 20 |
|
| Nowa aiva murimi akasima munda wemagirepisi. |
|
| 21 |
|
| Akanwa waini akararadza akarara mutendhe rake asina kupfeka. |
|
| 22 |
|
| Hamu baba waKanani akaonerera baba wake asina kupfeka, akandoudza mukoma nomunun'una wake panze. |
|
| 23 |
|
| Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka. |
|
| 24 |
|
| Nowa paakapengenuka mukuraradza newaini, akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku. |
|
| 25 |
|
| Akati, “Kanani ngaawirwe norushambwa, ngaave muranda chaiye wokupedzesera kuvakoma navanun'una vake.” |
|
| 26 |
|
| Akatiwo, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari waShemu, Kanani ngaave muranda waShemu. |
|
| 27 |
|
| Mwari ngaakudziridze Jafeti, ngaagare mumatendhe aShemu, Kanani ave muranda wake.” |
|
| 28 |
|
| Shure kwamafashamo emvura Nowa akagara mazana matatu amakore ana makore makumi mashanu. |
|
| 29 |
|
| Saka ose pamwechete, Nowa akaita makore mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu ndokuzofa zvake. |
|
|
|
|