|
| 1 |
|
| Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi; |
|
| 2 |
|
| zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari. |
|
| 3 |
|
| Dhavhidhi akati kwaari, “Wabvepiko?” Akati kwaari, “Ndapukunyuka ndichibva kumisasa yaIsiraeri.” |
|
| 4 |
|
| Dhavhidhi akati kwaari, “Kwakaitweiko? Ndiudze hako.” Akapindura, akati, “Vanhu vatiza pakurwa, vanhu vazhinji vawira pasi vafa, uye Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.” |
|
| 5 |
|
| Ipapo Dhavhidhi akati kujaya rakamuudza izvozvo, “Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo.” |
|
| 6 |
|
| Jaya rikamuudza rikati, “Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake, ndikaonawo ngoro navatasvi vachimutevera kwazvo. |
|
| 7 |
|
| Zvino iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano hangu.’ |
|
| 8 |
|
| Akati kwandiri, ‘Ndiwe aniko?’ Ndikamupindura ndikati, ‘Ndiri muAmareki.’ |
|
| 9 |
|
| Akati kwandiri, ‘Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.’ |
|
| 10 |
|
| “Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.” |
|
| 11 |
|
| Ipapo Dhavhidhi akabata nguo dzake, akadzibvarura, navarume vose vaiva naye vakaitawo saizvozvo. |
|
| 12 |
|
| Vakachema, nokuungudza, nokuzvinyima zvokudya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurawa nomunondo. |
|
| 13 |
|
| Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, “Uri wepiko?” Iye akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.” |
|
| 14 |
|
| Dhavhidhi akati kwaari, “Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha?” |
|
| 15 |
|
| Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya akati, “Swedera, umuuraye.” Iye akamubaya, akafa. |
|
| 16 |
|
| Dhavhidhi akati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro wako, nokuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, ‘Ndakauraya muzodzwa waJehovha.’ ” |
|
| 17 |
|
| Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku. |
|
| 18 |
|
| Akavaraira kuti vadzidzise vana vaJudha rwiyo urwu rwokuchema; tarirai, rwakanyorwa mubhuku raJashari. |
|
| 19 |
|
| “Haiwa Isiraeri! Kubwinya kwako kwaurawa pamatunhu ako akakwirira! Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei! |
|
| 20 |
|
| Musazvireva paGati, Musazviparidza panzira dzeAshikeroni; Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara, Kuti vakunda vavasina kudzingiswa varege kupembera. |
|
| 21 |
|
| “Imi makomo eGirobhoa, Ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo; Nokuti ndipo pakangorashwa nhoo dzemhare, Nhoo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta. |
|
| 22 |
|
| Uta hwaJonatani hahuna kudzoka. Husina ropa ravakaurawa. Nomunondo waSauro hauna kudzoka usina mafuta aVane simba. |
|
| 23 |
|
| “Sauro naJonatani vakanga vakadikanwa, vakanaka, paupenyu hwavo; Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa; Vaikurumidza kupfuura makondo, Vaiva nesimba kupfuura shumba. |
|
| 24 |
|
| “Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro, Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka, Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu. |
|
| 25 |
|
| “Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei pakurwa! Jonatani wakaurawa pamatunhu akakwirira. |
|
| 26 |
|
| “Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munun’una wangu Jonatani; Wakanga uchindifadza kwazvo; Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, Rwaipfuura rudo rwavakadzi. |
|
| 27 |
|
| “Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!” |
|
|
|
|