Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, "Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akafuma, asi mumwe wakanga ari murombo. |
| 2 |
| Mufumi wakanga ana makwai nemombe zhinji kwazvo; |
| 3 |
| asi murombo wakanga asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokumwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake. |
| 4 |
| Zvino mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari." |
| 5 |
| Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, "NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa. |
| 6 |
| Uye anofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha." |
| 7 |
| Natani akati kuna Dhavhidhi, "Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, `Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro, |
| 8 |
| ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti. |
| 9 |
| Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni. |
| 10 |
| Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nokuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.' |
| 11 |
| Zvanzi naJehovha, `Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena. |
| 12 |
| Nokuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.' " |
| 13 |
| Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, "Ndatadzira Jehovha." Natani akati kuna Dhavhidhi, "Jehovha wakangamwirawo zvivi zvako; haungafi. |
| 14 |
| Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa." |
| 15 |
| Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehovha akarova mwana wakanga aberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya, akarwara kwazvo. |
| 16 |
| Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akatsanya, akapinda, akavata pasi usiku hwose. |
| 17 |
| Vakuru veimba yake vakasimuka, vakaenda kwaari, vakada kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadyawo zvokudya navo. |
| 18 |
| Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, "Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera manzwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa." |
| 19 |
| Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve-zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, "Mwana wafa here?" Ivo vakati, "Wafa." |
| 20 |
| Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguvo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya. |
| 21 |
| Ipapo varanda vake vakati kwaari, "Ndokudiniko? Achiri mupenyu makatsanya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya." |
| 22 |
| Iye akati, "Mwana achiri mupenyu ndakatsanya, ndikachema, nokuti ndakati, `Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?' |
| 23 |
| "Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri." |
| 24 |
| Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikamwa naJehovha. |
| 25 |
| Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha. |
| 26 |
| Zvino Joabhu akandorwa naRabha, guta ravana vaAmoni, akakunda muzinda. |
| 27 |
| Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, akati, "Ndandorwa neRabha, ndikakunda guta remvura. |
| 28 |
| Naizvozvo zvino, unganidzai vanhu vakasara, mudzike matende enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita rangu." |
| 29 |
| Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose, vakaenda Rabha, vakarwa naro, vakarikunda. |
| 30 |
| Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro. |
| 31 |
| Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2samuel/012.mp3
24
12