|
| 1 |
|
| Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu akazvigadzirira ngoro namabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake. |
|
| 2 |
|
| Abhusaromu waimuka mangwanani, akandomira parutivi rwenzira pasuo; zvino kana kuchinge kuno munhu wakanga ouya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu ndokumudana, akati, “Uri weguta ripiko?” Kana akati, “Muranda wenyu unobva kuno rumwe rwamarudzi aIsiraeri,” |
|
| 3 |
|
| Abhusaromu waiti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakuna munhu wakatumwa namambo kuzokunzwa.” |
|
| 4 |
|
| Uye Abhusaromu akatiwo, “Dai ini ndichiitwa mutongi panyika, kuti ani nani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire.” |
|
| 5 |
|
| Zvino kana ani nani akaswedera kuzopfugama pamberi pake, iye waitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimutsvoda. |
|
| 6 |
|
| Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera mwoyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude. |
|
| 7 |
|
| Zvino makore mana akati apfuura, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei henyu ndiende Hebhuroni, ndindoripira kupika kwangu kwandakapikira Jehovha. |
|
| 8 |
|
| Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko ndichigere Geshuri paSiria, ndikati, ‘Zvirokwazvo, kana Jehovha akandidzosera Jerusaremu, ndichanamata Jehovha.’ ” |
|
| 9 |
|
| Mambo akati, “Chienda hako norugare.” Naizvozvo akasimuka, akaenda Hebhuroni. |
|
| 10 |
|
| Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, “Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, ‘Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.’ ” |
|
| 11 |
|
| Zvino Abhusaromu akaperekedzwa navarume vana mazana maviri veJerusaremu, vakanga vakokwa; ivo vakaenda havo vakafara vasingazivi chinhu. |
|
| 12 |
|
| Abhusaromu akatuma munhu kundodana Ahitoferi muGironi, gurukota raDhavhidhi, paguta rake Giro, panguva yakanga achibayira zvibayiro. Kurangana uku kukava nesimba, nokuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Abhusaromu. |
|
| 13 |
|
| Zvino nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ikati, “Mwoyo yavarume vaIsiraeri yotevera Abhusaromu.” |
|
| 14 |
|
| Ipapo Dhavhidhi akati kuvaranda vake vose vakanga vanaye paJerusaremu, “Simukai, titize nokuti kana tikasadaro, hapana mumwe wedu ungapukunyuka kuna Abhusaromu; kurumidzai tiende, arege kutibata pakarepo, atiitire zvakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza.” |
|
| 15 |
|
| Varanda vamambo vakati kuna mambo, “Tarirai, varanda venyu vakamirira kuita zvose zvinodikanwa naishe wedu mambo.” |
|
| 16 |
|
| Mambo akabuda, vose veimba yake vakamutevera. Mambo akasiya vakadzi vane gumi, vaiva varongo, kuti vachengete imba. |
|
| 17 |
|
| Mambo akabuda navanhu vose vakamutevera, vakandomira paBhetimaerihaki. |
|
| 18 |
|
| Varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, navaKereti vose, navaPereti vose, navaGiti vose, varume vana mazana matanhatu vakanga vamutevera vachibva Gati, vakatungamirira pamberi pamambo. |
|
| 19 |
|
| Mambo akati kuna Itai muGiti, “Iwe unoendireiko nesu? Dzoka hako, ugare namambo, nokuti iwe uri mutorwa wakadzingwa; dzokera kunyika yako. |
|
| 20 |
|
| Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa‐fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nezvokwadi ngazvive newe.” |
|
| 21 |
|
| Itai akapindura mambo akati, “NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava muranda wenyuwo.” |
|
| 22 |
|
| Dhavhidhi akati kuna Itai, “Chienda hako, uyambuke.” Itai muGiti akayambuka, navanhu vake vose, navana vaduku vose vakanga vanaye. |
|
| 23 |
|
| Vanhu venyika yose vakachema nezwi guru, vanhu vose vakayambuka; naiye mambo amene akayambukawo rukova Kidhoroni, navanhu vose vakayambukawo vakaenda nenzira yokurenje. |
|
| 24 |
|
| Zvino Zadhoki akasvikawo navaRevhi vose vanaye, vakatakura areka yesungano; vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akakwirawo, kusvikira vanhu vose vapedza kubuda paguta. |
|
| 25 |
|
| Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, “Dzoserai areka yaMwari muguta; kana Jehovha akandinzwira nyasha, uchandidzosazve, akandiwonesa iyo nenzvimbo yayozve. |
|
| 26 |
|
| Asi kana akati, ‘Handifari newe; tarirai, ndiri pano hangu, ngaandiitire sezvaanoda.’ ” |
|
| 27 |
|
| Mambo akati kuna Zadhoki mupristi, “Iwe hauzi muwoni here? Dzokera muguta norugare, iwe navanakomana vako vaviri vaunawo, mwanakomana wako Ahimaazi, naJonatani mwanakomana waAbhiatari. |
|
| 28 |
|
| Tarira, ini ndichandomira pamazambuko erenje, kusvikira shoko rinobva kwauri rasvika, kundizivisa.” |
|
| 29 |
|
| Naizvozvo Zadhoki naAbhitari vakadzosera areka yaMwarizve Jerusaremu; ivo vakagarapo. |
|
| 30 |
|
| Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema; akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo. |
|
| 31 |
|
| Zvino mumwe akaudza Dhavhidhi, akati, “Ahitoferi unoranganawo navamwe naAbhusaromu.” Dhavhidhi akati, “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi.” |
|
| 32 |
|
| Zvino Dhavhidhi wakati asvika kumusoro kwainamatwa Mwari, akaona Hushai muAriki osangana naye, nguo dzake dzakabvarurwa nevhu pamusoro wake. |
|
| 33 |
|
| Dhavhidhi akati kwaari, “Kana iwe ukapfuura neni, uchandiremedza; |
|
| 34 |
|
| asi kana ukadzokera kuguta, ukandoti kuna Abhusaromu, ‘Ndichava muranda wenyu, mambo; sezvandaiva muranda wababa venyu kare, saizvozvo ndichava muranda wenyu zvino; ipapo ungandikundira mano aAhitoferi.’ |
|
| 35 |
|
| Zadhoki naAbhiatari vapristi, havazipo newe here? Naizvozvo zvose zvaunonzwa mumba mamambo, uudze Zadhoki naAbhiatari vapristi izvozvo. |
|
| 36 |
|
| Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa.” |
|
| 37 |
|
| Naizvozvo Hushai, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuguta; naAbhusaromu akapinda Jerusaremu. |
|
|
|
|