Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, "Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti vakauraya vaGibhiyoni." |
| 2 |
| Mambo akadana vaGibhiyoni, akati kwavari; "Zvino vaGibhiyoni vakanga vasi vavana vaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori, ndivo vakanga vapikirwa navaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana vaIsiraeri navaJudha;" |
| 3 |
| Dhavhidhi akati kuva Gibhiyoni, "Ndingakuitirai chinyi? Ndingayananisa neiko, kuti muropafadze nhaka yaJehovha?" |
| 4 |
| VaGibhiyoni vakati kwaari, "Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri." Iye akati, "Chamunoreva ndichakuitirai icho." |
| 5 |
| Ivo vakati kuna mambo, "Iye munhu, wakatipedza, wakatifungira mano akaipa kuti tiparadzwe, tirege kugara panyika yose yalsiraeri, |
| 6 |
| varume vanomwe vavana vake ngavapiwesu, tivasungirire pamberi paJehovha paGibhiya raSauro, mutsaurwa waJehovha." Mambo akati, "Ndichakupai ivo." |
| 7 |
| Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro. |
| 8 |
| Asi mambo wakatora vana vaviri vaRizipa, mukunda waAya, vaakanga aberekera Sauro, Amoni naMefibhosheti, navana vashanu vaMikari mukunda waSauro, vaakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBharizirai muMehorati; |
| 9 |
| akavaisa mumaoko avaGibhiyoni, ivo vakavasungirira pagomo pamberi paJehovha, vakafa vari vanomwe; vakaurawa pamazuva okukohwa, pamazuva okutanga, pakutanga kokukohwa bhari. |
| 10 |
| Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku. |
| 11 |
| Zvino Dhavhidhi akaudzwa zvakanga zvaitwa naRizipa mukunda waAya, murongo waSauro; |
| 12 |
| Dhavhidhi akandotora mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake kuvarume veJabheshiGiriyadhi, vakanga vaaba panzira yeBhetishani, pavakanga vaturikwa navaFirisitia, pazuva rokuurawa kwaSauro navaFirisitia paGiribhoa. |
| 13 |
| Akatorapo mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake, vakaunganidza mapfupa avakanga vaturikwapo. |
| 14 |
| Vakaviga mapfupa aSauro naaJonatani mwanakomana wake panyika yavaBhenjamini paZera, pahwiro hwababa vake; vakaita zvose zvavakanga varairwa namambo. Shure kwaizvozvo Mwari akanzwira nyika tsitsi. |
| 15 |
| Zvino vaFirisitia vakarwazve navaIsiraeri; Dhavhidhi akaburuka navaranda vake kundorwa navaFirisitia; Dhavhidhi akaneta. |
| 16 |
| Zvino Ishibhibhenobhi, mumwe wavanakomana vaRafa, waiva nepfumo rakasvika pamashekeri ana mazana matatu endarira pakurema kwaro, iye wakanga akashonga munondo mutsva, akafunga kuuraya Dhavhidhi. |
| 17 |
| Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, "Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri." |
| 18 |
| Zvino shure kwaizvozvo kurwa kwazovapozve navaFirisitia paGobhi; Sibekai, muHushati, akauraya Safi, mumwe wavanakomana vaRafa. |
| 19 |
| Vakarwazve navaFirisitia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJaarioregimi weBheterehemu akauraya Goriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakaga rwakaita sedanda romuruki. |
| 20 |
| Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva nemimwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigumwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakanga akaberekerwa Rafa. |
| 21 |
| Zvino wakati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei, munun'una waDhavhidhi akamuuraya. |
| 22 |
| Ava vana vakanga vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2samuel/021.mp3
24
21