|
| 1 |
|
| Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro; |
|
| 2 |
|
| akati, Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu, iye ndowangu. |
|
| 3 |
|
| Mwari idombo rangu, ndichavimba naye; Nhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, soutiziro hwangu. Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa. |
|
| 4 |
|
| Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu. |
|
| 5 |
|
| Nokuti mafungu orufu akandikomba, Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa. |
|
| 6 |
|
| Mabote aSheori akandisunga, Misungo yorufu yakandiwira. |
|
| 7 |
|
| Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndakadana kuna Mwari wangu, Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. |
|
| 8 |
|
| Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti iye wakanga atsamwa. |
|
| 9 |
|
| Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. |
|
| 10 |
|
| Wakakotamisawo kudenga–denga, akaburuka, Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. |
|
| 11 |
|
| Wakatasva kerubhu, akabhururuka; Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo. |
|
| 12 |
|
| Wakazvipoteredza nerima setende, Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga. |
|
| 13 |
|
| Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake, Mazimbe omoto akabatidzwa. |
|
| 14 |
|
| Jehovha akatinhira kudenga, Wokumusoro–soro wakataura nezwi rake. |
|
| 15 |
|
| Wakatuma miseve, akavaparadza; Akatuma mheni, akavavhundusa. |
|
| 16 |
|
| Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, Nokutuka kwaJehovha, Nokufema kwemweya wemhino dzake. |
|
| 17 |
|
| Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji; |
|
| 18 |
|
| Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga; nokuti vakanga vondikurira. |
|
| 19 |
|
| Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiro wangu. |
|
| 20 |
|
| Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakanga achindifarira. |
|
| 21 |
|
| Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubairo wakaenzana nokuchena kwamaoko angu. |
|
| 22 |
|
| Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera. |
|
| 23 |
|
| Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu; Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri. |
|
| 24 |
|
| Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake, Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu. |
|
| 25 |
|
| Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake. |
|
| 26 |
|
| Ane ngoni, munomuitirawo ngoni; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama; |
|
| 27 |
|
| Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha. |
|
| 28 |
|
| Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza, kuti muvaderedze. |
|
| 29 |
|
| Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu. |
|
| 30 |
|
| Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. |
|
| 31 |
|
| Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanotenda kwaari. |
|
| 32 |
|
| Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? |
|
| 33 |
|
| Mwari ndiye nhare yangu ine simba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama. |
|
| 34 |
|
| Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwira. |
|
| 35 |
|
| Unodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura uta hwendarira. |
|
| 36 |
|
| Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu, Unyoro hwenyu hwakandikurisa. |
|
| 37 |
|
| Makandiitira nzvimbo yakafarikana pasi pangu pandingatsika; Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. |
|
| 38 |
|
| Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza, Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa. |
|
| 39 |
|
| Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka; Vakawira pasi petsoka dzangu. |
|
| 40 |
|
| Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. |
|
| 41 |
|
| Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. |
|
| 42 |
|
| Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. |
|
| 43 |
|
| Ipapo ndakavapwanya–pwanya seguruva renyika; Ndikavaswa samatope enzira dzomumusha, ndikavaparadzira kure. |
|
| 44 |
|
| Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu, Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. |
|
| 45 |
|
| Vatorwa vachanamata kwandiri; Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa. |
|
| 46 |
|
| Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. |
|
| 47 |
|
| Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe. |
|
| 48 |
|
| Ndiye Mwari unonditsivira, Unondikundisa vanhu. |
|
| 49 |
|
| Unondibvisa kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza. |
|
| 50 |
|
| Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichakudza zita renyu nenziyo; |
|
| 51 |
|
| Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake unyoro, Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi. |
|
|
|
|