|
| 1 |
|
| Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu. |
|
| 2 |
|
| Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumwoyo make. |
|
| 3 |
|
| Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza. |
|
| 4 |
|
| Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka, |
|
| 5 |
|
| nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya. |
|
| 6 |
|
| Akati kuna mambo, “Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi. |
|
| 7 |
|
| Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa. |
|
| 8 |
|
| “Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu. |
|
| 9 |
|
| Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.” |
|
| 10 |
|
| Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve. |
|
| 11 |
|
| Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri. |
|
| 12 |
|
| Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeranwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi. |
|
| 13 |
|
| Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvepfuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake. |
|
| 14 |
|
| Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo; |
|
| 15 |
|
| vasingaverengi iyo yaiuya navashambadziri, neyaiuya nokutenga kwavatengesi, neyaibva kumadzimambo ose endudzi dzakavengana, nokuvabati venyika. |
|
| 16 |
|
| Mambo akaita nhoo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhoo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama; |
|
| 17 |
|
| akaitawo nhoo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama, yakasvika mapaundi matatu pakurema, yaiiswa panhoo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni. |
|
| 18 |
|
| Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka. |
|
| 19 |
|
| Chigaro icho choushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu, uye musoro wechigaro wakanga wakatenderedzwa shure kwacho; kwaiva nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, uye shumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzechitsigiro. |
|
| 20 |
|
| Kwaiva neshumba gumi nembiri dzakanga dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri‐mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kunohumwe ushe. |
|
| 21 |
|
| Mikombe yose yokunwira nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, uye midziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; kwakanga kusine chinhu chimwe chesirivha; iyo yainzi haino murimo pamazuva aSoromoni. |
|
| 22 |
|
| Nokuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwechete nezvikepe zvaHiramu; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwe pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha, nenyanga dzenzou, netsoko, namatendera. |
|
| 23 |
|
| Naizvozvo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakupfuma nokuchenjera. |
|
| 24 |
|
| Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumwoyo make. |
|
| 25 |
|
| Mumwe nomumwe waiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nenguo, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe. |
|
| 26 |
|
| Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; wakanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa kumaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu. |
|
| 27 |
|
| Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu, ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semiwonde yaiva pamapani. |
|
| 28 |
|
| Mabhiza aSoromoni aaiva nawo aibva, Ijipiti; vatengesi vamambo vaindoatorako, vachiita mapoka‐mapoka, boka rimwe nerimwe rinomutengo waro. |
|
| 29 |
|
| Ngoro imwe neimwe yaibva Ijipiti, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo. |
|
|
|
|