|
| 1 |
|
| Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuhwira. |
|
| 2 |
|
| Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, "Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josiya; iye uchabaya pamusoro pako vaprista vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuhwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako." |
|
| 3 |
|
| Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, "Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi." |
|
| 4 |
|
| Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, "Mubatei!" Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve. |
|
| 5 |
|
| Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha. |
|
| 6 |
|
| Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, "Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu." Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare. |
|
| 7 |
|
| Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, "Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro." |
|
| 8 |
|
| Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, "Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kumwa pano, |
|
| 9 |
|
| nokuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.' |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri. |
|
| 11 |
|
| Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo. |
|
| 12 |
|
| Ipapo baba vavo vakati kwavari, "Waenda nenzira ipiko?" Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha. |
|
| 13 |
|
| Akati kuvanakomana vake, "Ndisungirei chigaro pambongoro;" ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva. |
|
| 14 |
|
| Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, "Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here?" Akati, "Ndini." |
|
| 15 |
|
| Ipapo akati kwaari, "Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya." |
|
| 16 |
|
| Iye akati, "Handingagoni kudzoka nemwi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kumwa mvura nemwi pano, |
|
| 17 |
|
| nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.' |
|
| 18 |
|
| Ipapo akati kwaari, "Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokumwa mvura.' " Akareva nhema kwaari. |
|
| 19 |
|
| Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokumwa mvura. |
|
| 20 |
|
| Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa, |
|
| 21 |
|
| akadanidzira kumunhu waMwari, wakanga abva kwaJudha, akati, "Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako, |
|
| 22 |
|
| ukadzoka, ukadya zvokudya, ukamwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokumwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.' |
|
| 23 |
|
| Zvino wakati adya zvokudya, nokumwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa. |
|
| 24 |
|
| Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha. |
|
| 25 |
|
| Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana. |
|
| 26 |
|
| Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, "Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari." |
|
| 27 |
|
| Akati kuvanakomana vake, "Ndisungirirei chigaro pambongoro," vakaisungira chigaro. |
|
| 28 |
|
| Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro. |
|
| 29 |
|
| Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga. |
|
| 30 |
|
| Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, "Haiwa, munun'una wangu!" |
|
| 31 |
|
| Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, "Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu kurutivi rwamapfupa ake; |
|
| 32 |
|
| nokuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo." |
|
| 33 |
|
| Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vaprista pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vaprista pamatunhu akakwirira. |
|
| 34 |
|
| Chinhu ichi chikava chivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika. |
|
|
|
|