|
| 1 |
|
| Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eria negore rechitatu, richiti, "Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika." |
|
| 2 |
|
| Ipapo Eria akandozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo paSamaria. |
|
| 3 |
|
| Ahabhi akadana Obhadhiya, iye wakanga ari mutariri weimba yake. (Zvino Obhadhiya wakanga achitya Jehovha kwazvo; |
|
| 4 |
|
| nokuti nenguva iyo Izebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.) |
|
| 5 |
|
| Zvino Ahabhi akati kuna Obhadhiya, "Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhova dzose; zvimwe tingawana bundo, tiraramise mabhiza namahesera,tirege kurashikirwa nezvipfuwo zvose." |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo vakagovana nyika, kuti vafambe nayo; Ahabhi akaenda ari oga kuno rumwe rutivi, Obhadhiya akaendawo ari oga kuno rumwe rutivi. |
|
| 7 |
|
| Zvino Obhadhiya wakati ari panzira, Eria akasangana naye; akamuziva, akawira pasi nechiso chake, akati, "Ndimi here, ishe wangu Eria?" |
|
| 8 |
|
| Iye akamupindura, akati, "Ndini; enda unoudza ishe wako, uti, Tarirai, Eria ari pano.' |
|
| 9 |
|
| Iye akati, "Ndatadzeiko, zvamoda kuisa muranda wenyu mumaoko aAhabhi, andiuraye? |
|
| 10 |
|
| NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.' |
|
| 11 |
|
| Zvino moti, Enda undoudza ishe wako, uti, Eria ari pano.' |
|
| 12 |
|
| Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya, asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu. |
|
| 13 |
|
| Ishe wangu hamuna kuudzwa here zvandakaita panguva iya Izebheri yaakauraya nayo vaporofita vaJehovha kuti ndakavanza vaporofita vaJehovha, vane zana, makumi mashanu namakumi mashanu mubako, ndikavapa zvingwa nemvura? |
|
| 14 |
|
| Zvino moti, Chindoudza ishe wako,' uti, Eria ari pano.' " Iye uchandiuraya. |
|
| 15 |
|
| Eria akati, "NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo." |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo Obhadhiya akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEria. |
|
| 17 |
|
| Zvino Ahabhi wakati achiona Eria, Ahabhi akati kwaari, "Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?" |
|
| 18 |
|
| Iye akati, "Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari. |
|
| 19 |
|
| Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri," |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana vaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri. |
|
| 21 |
|
| Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, "Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye." Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe. |
|
| 22 |
|
| Ipapo Eria akati kuvanhu, "Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu." |
|
| 23 |
|
| Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo. |
|
| 24 |
|
| Zvino imwi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha, Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, "Zvarehwa zvakanaka." |
|
| 25 |
|
| Ipapo Eria akati kuvaporofita vaBhaari, "Chizvitsaurirai nzombe imwe, mutange kuigadzira, nokuti muri vazhinji; mudane zita ramwari wenyu, asi murege kuisa moto pasi payo." |
|
| 26 |
|
| Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, "Bhaari, tinzwei!" Asi kwakanga kusine inzwi kana unopindura. Vakapoteredza aritari yakanga yavakwa vachipembera. |
|
| 27 |
|
| Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavasweveredza, akati, "Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa." |
|
| 28 |
|
| Ipapo vakadanidzira kwazvo, vakazvicheka netsika dzavo neminondo namapfumo, kusvikira ropa richidzutuka kwavari. |
|
| 29 |
|
| Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina inzwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera. |
|
| 30 |
|
| Ipapo Eria akati kuvanhu vose, "Swederai kwandiri," vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. |
|
| 31 |
|
| Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho iye wakanga audzwa naJehovha zvichinzi, "Zita rako richanzi Isiraeri." |
|
| 32 |
|
| Akavaka aritari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba aritari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo. |
|
| 33 |
|
| Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, "Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni." |
|
| 34 |
|
| Akati, "Itai izvozvo rwechipiri," vakazviita rwechipiri. Akati, "Itai izvozvo rwechitatu;" vakazviita rwechitatu. |
|
| 35 |
|
| Mvura ikayerera, ikapoteredza aritari; akazadza negorongawo nemvura. |
|
| 36 |
|
| Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, "Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi. |
|
| 37 |
|
| Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imwi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve moyo yavo." |
|
| 38 |
|
| Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga. |
|
| 39 |
|
| Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, "Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!" |
|
| 40 |
|
| Eria akati kwavari, "Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo." Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo. |
|
| 41 |
|
| Eria akati kuna Ahabhi, "Chirongedzai, mudye, mumwe, nokuti kuno kuunga kwemvura zhinji." |
|
| 42 |
|
| Naizvozvo Ahabhi akarongedza kundodya nokumwa. Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akagwadamira pasi, akaisa chiso chake pakati pamabvi ake; |
|
| 43 |
|
| akati kumuranda wake, "Chikwira zvino, utarire kurutivi rwegungwa." Akakwira akatarira, akati, "Hakuna chinhu." Akati, "Endazve, kanomwe." |
|
| 44 |
|
| Zvino panguva yechinomwe akati, "Tarirai, kune gore duku, rinokwira richibva mugungwa, rakafanana nechanza chomunhu." Akati, "Enda, undoti kuna Ahabhi, `Sungai ngoro yenyu, muburuke, kuti murege kudzivirirwa nemvura.' " |
|
| 45 |
|
| Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereeri. |
|
| 46 |
|
| Ruoko rwaJehovha rukasimbisa Eria; akazvisunga chivuno chake, akamhanya pamberi paAhabhi kusvikira pasuo reJezereeri. |
|
|
|
|