Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose. |
| 2 |
| Ava ndivo vaiva machinda ake: Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista; |
| 3 |
| Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika; |
| 4 |
| Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista; |
| 5 |
| Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo; |
| 6 |
| Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo; Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo. |
| 7 |
| Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore. |
| 8 |
| Mazita avo aiti: Bhenihuri, munyika yamakomo yaEfuremu; |
| 9 |
| Bhenidhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani; |
| 10 |
| Bhenihesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake). |
| 11 |
| Bheniabhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni); |
| 12 |
| Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami; |
| 13 |
| Bheni-gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira); |
| 14 |
| Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi; |
| 15 |
| Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni); |
| 16 |
| Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti; |
| 17 |
| Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari; |
| 18 |
| Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini; |
| 19 |
| Geheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri. |
| 20 |
| Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara. |
| 21 |
| Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye vakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake. |
| 22 |
| Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatua zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatub zvoupfu, |
| 23 |
| mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa. |
| 24 |
| Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose. |
| 25 |
| Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde. |
| 26 |
| Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri. |
| 27 |
| Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa. |
| 28 |
| Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa. |
| 29 |
| Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa. |
| 30 |
| Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti. |
| 31 |
| Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzirahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza. |
| 32 |
| Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu. |
| 33 |
| Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove. |
| 34 |
| Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/1kings/004.mp3
22
4