Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, |
| 2 |
| Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni. |
| 3 |
| Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose. |
| 4 |
| “Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu nomwoyo wakanaka nokururama, sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandinorayira uye ukatevera mitemo nemirayiro yangu, |
| 5 |
| ndichasimbisa chigaro chako choushe pamusoro peIsraeri nokusingaperi sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hapangatoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’ |
| 6 |
| “Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata, |
| 7 |
| ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu. |
| 8 |
| Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’ |
| 9 |
| Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ” |
| 10 |
| Makore makumi maviri akati apera, panguva yakavakwa dzimba idzi mbiri naSoromoni, temberi yaJehovha nomuzinda wamambo, |
| 11 |
| Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida. |
| 12 |
| Asi Hiramu paakabva kuTire akaenda kundoona maguta aya aakanga apiwa naSoromoni, haana kufadzwa nawo. |
| 13 |
| Akabvunza akati, “Maguta erudzii aya awandipa, hama yangu?” Naizvozvo akaatumidza zita rokuti Nyika yeKabhuru, rinova ndiro zita rawo nanhasi. |
| 14 |
| Zvino Hiramu akanga atumira mambo matarenda zana namakumi maviria egoridhe. |
| 15 |
| Heino nhoroondo yechibharo chakashandiswa naMambo Soromoni pakuvaka temberi yaJehovha, muzinda wake, Miro, rusvingo rweJerusarema neHazori, Megidho neGezeri. |
| 16 |
| Faro mambo weIjipiti akanga arwisa uye akatora Gezeri. Akanga aripisa nomoto. Akauraya vaKenani vaigara mariri akaripa kumwanasikana wake, mukadzi waSoromoni sechipo pakuwanikwa kwake. |
| 17 |
| Uye Soromoni akavaka Gezeri patsva. Akavaka Bhetihoroni yeZasi, |
| 18 |
| Bhaarati, neTadhimori murenje, munyika imomo, |
| 19 |
| pamwe chete namaguta ake ose amatura, namaguta engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema, muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. |
| 20 |
| Vanhu vose vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri), |
| 21 |
| vana vavo vakanga vasara munyika, vasina kugona kuparadzwa zvachose navaIsraeri, ivava Soromoni akavaunganidza kuti vashande savaranda vake, sezvazviri kusvikira nhasi. |
| 22 |
| Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavaIsraeri; ndivo vaiva mauto ake, makurukota ake ehurumende, machinda ake, vatungamiri vake vamauto, varayiri vezvengoro navachairi vengoro. |
| 23 |
| Ndivozve vaiva machinda makuru aiona nezvamabasa aiitwa naSoromoni, vatariri mazana mashanu namakumi mashanu vaitungamirira vanhu vaiita basa. |
| 24 |
| Mushure mokunge mwanasikana waFaro abva kuGuta raDhavhidhi akauya kumuzinda wake waakanga avakirwa naSoromoni, Soromoni akavaka Miro. |
| 25 |
| Katatu pagore Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa paaritari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwe chete nazvo pamberi paJehovha. Saizvozvo akapedza nezvetemberi. |
| 26 |
| Mambo Soromoni akavakawo zvikepe paEzioni Gebheri, iri pedyo neEroti muEdhomu, pamahombekombe eGungwa Dzvuku. |
| 27 |
| Uye Hiramu akatuma varanda vake, vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kuti vazoshandisa zvikepe pamwe chete navaranda vaSoromoni. |
| 28 |
| Vakaenda kuOfiri, vakandodzokako namazana mana namakumi maviri amatarendab egoridhe, ayo avakandopa Mambo Soromoni. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/1kings/009.mp3
22
9