|
| 1 |
|
| Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo waIsiraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe. |
|
| 2 |
|
| Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu. |
|
| 3 |
|
| Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi. |
|
| 4 |
|
| Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira. |
|
| 5 |
|
| Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake. |
|
| 6 |
|
| Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, sezvakaraira Jehovha, achiti, "Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake." |
|
| 7 |
|
| Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi. |
|
| 8 |
|
| Zvino Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, "Uya tionane." |
|
| 9 |
|
| Jehoashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, "Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, `Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;' zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsikatsika rukato. |
|
| 10 |
|
| Iwe wakunda vaEdhomu, zvino moyo wako wozvikudza; chizvikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?" |
|
| 11 |
|
| Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha. |
|
| 12 |
|
| VaJudha vakakundwa navaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake. |
|
| 13 |
|
| Jehoashi mambo waIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana. |
|
| 14 |
|
| Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria. |
|
| 15 |
|
| Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri? |
|
| 16 |
|
| Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri, Jerobhoamu akamutevera paushe. |
|
| 17 |
|
| Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo welsiraeri. |
|
| 18 |
|
| Zvino mamwe mabasa aAmazia haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? |
|
| 19 |
|
| Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo. |
|
| 20 |
|
| Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi. |
|
| 21 |
|
| Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakanga anamakore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. |
|
| 22 |
|
| Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake. |
|
| 23 |
|
| Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe. |
|
| 24 |
|
| Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. |
|
| 25 |
|
| Akakundazve nyika yaIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi. |
|
| 26 |
|
| Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusina mubetseri waIsiraeri. |
|
| 27 |
|
| Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita relsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi. |
|
| 28 |
|
| Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri? |
|
| 29 |
|
| Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo aIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe. |
|
|
|
|