Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika Jehova yaakaɗa kukwidza Eria nayo kuɗeŋga necinyampupuri, Eria akaenda naErisha ʋacibva Girgari. |
| 2 |
| Eria akati kunaErisha: Iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma Beti‐eri. Erisha akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Naiɀoɀo ʋakaɓurukira Beti‐eri. |
| 3 |
| Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋaiʋa paBeti‐eri, ʋakaȿika kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu. |
| 4 |
| Eria akati kwaari: Erisha, iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma Jeriko. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Naiɀoɀo ʋakaȿika Jeriko. |
| 5 |
| Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋaiʋa paJeriko, ʋakasweɗera kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu. |
| 6 |
| Eria akati kwaari: Iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma kwaJoridani. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Iʋo ʋari ʋaʋiri ʋakapfuʋura haʋo. |
| 7 |
| Ɀino ʋarume ʋanamakumi mashanu ʋaʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaenda ʋakandomira pakatarisana naʋo ʋari kure; iʋo ʋari ʋaʋiri ʋakamira paJoridani. |
| 8 |
| Ipapo Eria akatora ŋguʋo yake, akaipeta, akaroʋa mvura, ikaparadzaniswa napakati, naiɀoɀo iʋo ʋaʋiri ʋakayambuka pakawoma. |
| 9 |
| Ɀino ʋakati ʋayambuka, Eria akati kunaErisha: Kumbira candiŋgakuitira, ndicigere kubviswa kwauri. Erisha akati: Ndipei migoʋe miʋiri yomŋeya wenyu. |
| 10 |
| Akati: Wakumbira cinhu cinogozha; asi kana ukandiʋona ndicibviswa kwauri, ucaitirwa iɀoɀo; asi kana usiŋgandiʋoni, hauŋgaitirwi iɀoɀo. |
| 11 |
| Ɀino ʋakati ʋacifamba, ʋaciŋgotaurirana haʋo, ŋgoro yomŋoto namabiza omŋoto ɀikaȿika, ɀikaʋaparadzanisa iʋo ʋaʋiri; Eria akakwira kuɗeŋga necinyampupuri. |
| 12 |
| Erisha akaɀiʋona, akaɗanidzira, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, ɓaɓa ʋaŋgu, ŋgoro yaIsraeri naʋataȿi ʋayo ʋamabiza! Akasazomuʋona ɀe; akaɓata ŋguʋo dzake akadzibvarura napakati. |
| 13 |
| Akanoŋga jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJoridani; |
| 14 |
| akatora jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akaroʋa mvura, akati: Jehova Mŋari waEria uripiko? Ɀino wakati aroʋa mvura, ikaparadzaniswa ʋo napakati, Erisha akayambuka. |
| 15 |
| Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaŋga ʋari paJeriko pakatarisana naye, ʋakati ʋacimuʋona, ʋakati: Mŋeya waEria wogara pamsoro paErisha. Ʋakandosoŋgana naye, ʋakakotamira pasi pamberi pake. |
| 16 |
| Ʋakati kwaari: Tarirai, isu ʋaranda ʋenyu, tinaʋarume ʋanamakumi mashanu ʋanesimba; iʋo ŋgaʋaende haʋo kundotȿaka tenzi wenyu, ɀimŋe Mŋeya waJehova wamukwidza, ukamukandira panerimŋe gomo, kana munomumŋe mupata. Iye akati: Regai henyu kuʋatuma. |
| 17 |
| Asi iʋo ʋakati ʋamugombedzera, kuȿikira anyara, akati: Tumai henyu. Naiɀoɀo ʋakatuma ʋarume ʋanamakumi mashanu, ʋakatȿaka mazuʋa matatu, asi haʋana‐kumuwana. |
| 18 |
| Ʋakadzokera ɀe kwaari aciri paJeriko, iye akati kwaʋari: Handina‐kukuʋudzai here, ndikati: Regai kuenda? |
| 19 |
| Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaErisha: Tarirai henyu, nɀimbo yeguta yakanaka hayo, seɀamunoʋona, ishe weɗu, asi mvura yakaipa, nenyika haiɓereki ɀakanaka. |
| 20 |
| Iye akati: Ndiʋigire ndiro itȿa, mugoisa munyu’mo. Ʋakamuʋigira iyo. |
| 21 |
| Akaenda kucituɓu cemvura, akaɗira munyu imomo, akati: Ɀanzi naJehova: Ndarapa mvura iyi, hapacazobvi’po rufu, kana kusaɓereka. |
| 22 |
| Naiɀoɀo mvura ikarapxa kuȿikira nhasi, seɀaakataura, iye Erisha. |
| 23 |
| Ɀino wakabva’po, akaenda Beti‐eri; akati acikwira nenzira, ɀikomana ɀikaɓuɗa muguta, ɀikamuseka, ɀikati kwaari: Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira! |
| 24 |
| Iye akaceuka, akaʋaʋona, akaʋatuka nezita raJehova. Ipapo maperekadzi maʋiri akaɓuɗa muɗondo, akaparadza ʋana ʋanamakumi manna naʋaʋiri ʋaʋo. |
| 25 |
| Akabva’po, akaenda kugomo reKarmeri, akabva’po, akadzokera Samaria. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/2kings/002.mp3
25
2