|
| 1 |
|
| Zvino vaIsiraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati, "Tarirai, isu tiri mapfupa enyu nenyama yenyu. |
|
| 2 |
|
| Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, `Iwe uchafudza vanhu vangu valsiraeri, nokuva mutungamiriri " |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakaenda kuna mambo paHebhuroni, Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waSamueri. |
|
| 4 |
|
| Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakakwira Jerusaremu (ndiro Jebhusi); zvino vaJebhusi, vanhu venyika iyo, vakanga varipo. |
|
| 5 |
|
| Ipapo vanhu vaigara paJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, "Haungapindi pano." Asi Dhavhidhi akakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi. |
|
| 6 |
|
| Ipapo Dhavhidhi akati, "Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo." Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo. |
|
| 7 |
|
| Dhavhidhi akagara panhare; naizvozvo vakaritumidza zita rinonzi guta raDhavhidhi. |
|
| 8 |
|
| Akavaka guta kumativi ose, kubva paMiro kusvikira kumativi ose; Joabhu akagadzira zvimwe zveguta. |
|
| 9 |
|
| Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha wehondo aiva naye. |
|
| 10 |
|
| Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro palsiraeri. |
|
| 11 |
|
| Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobhiyami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe. |
|
| 12 |
|
| Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba. |
|
| 13 |
|
| Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pabindu rakanga rizere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia. |
|
| 14 |
|
| Vakamira pakati pebindu, vakarirwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru. |
|
| 15 |
|
| Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu. |
|
| 16 |
|
| Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo. |
|
| 17 |
|
| Dhavhidhi akapanga, akati, "Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuo, ndimwe!" |
|
| 18 |
|
| Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuimwa, akaidururira kuna Jehovha, |
|
| 19 |
|
| akati, "Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndingamwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo." Naizvozvo akaramba kuimwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu. |
|
| 20 |
|
| Abhishai munun'una waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nokuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo. |
|
| 21 |
|
| Pakati pavatatu ndiye wakanga ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga. |
|
| 22 |
|
| Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando. |
|
| 23 |
|
| Akaurayawo muIjipiti, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muljipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro. |
|
| 24 |
|
| Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu. |
|
| 25 |
|
| Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake. |
|
| 26 |
|
| Mhare dzehondo dzaiva: Ashaheri munun'una waJoabhu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu; |
|
| 27 |
|
| naShamoti muHarodhi, naHerezi muPeroni; |
|
| 28 |
|
| naIra mwanakomana wIkeshi muTekoite, naAbhiezeri muAnatoti; |
|
| 29 |
|
| naSibekai muHushati, naIrai muAhohi; |
|
| 30 |
|
| naMakarai muNetofati, naHeredhi mwanakomana waBhaana muNetofati; |
|
| 31 |
|
| naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini, naBhenaya muPiratoni; |
|
| 32 |
|
| naHurai wehova dzeGaashi, naAbhieri muAribhati; |
|
| 33 |
|
| naAzimavheti muBhaharumiti, naEriabha muShaaribhoni; |
|
| 34 |
|
| navanakomana vaHashemi muGizoni, naJonatani mwanakomana waShage muHarari, |
|
| 35 |
|
| naAhiami mwanakomana waSakari muHarari, naErifari mwanakomana waUri; |
|
| 36 |
|
| naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni; |
|
| 37 |
|
| naHezero muKarimeri, naNaarai mwanakomana waEzibha; |
|
| 38 |
|
| naJoeri munun'una waNatani, naMibhari mwanakomana waHagiri; |
|
| 39 |
|
| naZereki muAmoni, naNaharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya; |
|
| 40 |
|
| naIra muItiri, naGarebhi muItiri, |
|
| 41 |
|
| naUriya muHiti, naZabhadhi mwanakomana waArai; |
|
| 42 |
|
| naAdhina mwanakomana waShiza muRubheni, mukuru wavaRubheni, navana makumi matatu naye; |
|
| 43 |
|
| naHanani mwanakomana waMaaka, naJoshafati muMitini; |
|
| 44 |
|
| naUziya muAshiterati, naShama naJeyieri vanakomana vaHotami muAroeri; |
|
| 45 |
|
| naJedhiaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munun'una wake, muTizi; |
|
| 46 |
|
| naErieri muMahavhi, naJeribhai, naJoshavhia, vanakomana vaErinaami, naItima muMoabhu; |
|
| 47 |
|
| naErieri, naObhedhi, naJaasieri muMezobha. |
|
|
|
|