|
| 1 |
|
| Zvino Hirami mambo weTiro akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda emisidhari, navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba. |
|
| 2 |
|
| Dhavhidhi akaona kuti Jehovha akamusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, nokuti ushe hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Isiraeri. |
|
| 3 |
|
| Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana navanasikana. |
|
| 4 |
|
| Zvino ndiwo mazita avana vaakanga anavo paJerusaremu: Shamua, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni; |
|
| 5 |
|
| naIbhari, naErishua, naEripereti; |
|
| 6 |
|
| naNoga, naNefegi, naJafia; |
|
| 7 |
|
| naErishama, naBheriyadha, naErifereti. |
|
| 8 |
|
| Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo. |
|
| 9 |
|
| Zvino vaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu. |
|
| 10 |
|
| Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, "Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?" Jehovha akati kuna Dhavhidhi, " Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako." |
|
| 11 |
|
| Vakasvika paBhaariperazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo; Dhavhidhi akati, "Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu, sokupwanya kwemvura." Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaariperazimi. |
|
| 12 |
|
| VaFirisitia vakasiya vamwari vavopo, Dhavhidhi akaraira, vakavapisa nomoto. |
|
| 13 |
|
| VaFirisitia vakapararirazve pamupata uyo. |
|
| 14 |
|
| Ipapo Dhavhidhi akabvunza Mwari zve; Mwari akati kwaari, "Usandovatevera; tsauka ubve kwavari, ugovavamba pakatarisana nemiti yemibharisami. |
|
| 15 |
|
| Zvino kana uchinzwa kutinhira kokufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo unofanira kundorwa; nokuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia." |
|
| 16 |
|
| Dhavhidhi akaita sezvakarairwa naMwari; vakaparadza hondo yavaFirisitia kubva paGibhiyoni kusvikira paGezeri. |
|
| 17 |
|
| Mbiri yaDhavhidhi ikabudira kunyika dzose; Jehovha akavhundusa marudzi ose pamusoro pake. |
|
|
|
|