|
| 1 |
|
| Dhavhidhi akazvivakira dzimba muguta raDhavhidhi; akagadzirira areka yaMwari nzvimbo, akaidzikira tende. |
|
| 2 |
|
| Zvino Dhavhidhi akati, "Hakuna munhu anofanira kutakura areka yaMwari asi vaRevhi; nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha kutakura areka yaMwari, nokumushumira nokusingaperi." |
|
| 3 |
|
| Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose paJerusaremu kuti vaise areka yaJehovha kunzvimbo yayo, yaakanga aigadzirira. |
|
| 4 |
|
| Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni navaRevhi; |
|
| 5 |
|
| pakati pavanakomana vaKohati, Urieri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi maviri; |
|
| 6 |
|
| pakati pavanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri namakumi maviri; |
|
| 7 |
|
| pakati pavanakomana vaGerishomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi matatu. |
|
| 8 |
|
| Pakati pavanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri; |
|
| 9 |
|
| pakati pavanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzina makumi masere; |
|
| 10 |
|
| pakati pavanakomana vaUzieri. Aminadhabhu mukuru, nehama dzake dzine zana negumi navaviri. |
|
| 11 |
|
| Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiyatari vaprista, navaRevhi vaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadhabhu. |
|
| 12 |
|
| Akati kwavari, "Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imwi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira. |
|
| 13 |
|
| "Nokuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutanga, Jehovha Mwari wedu akatirova, nokuti hatina kumutsvaka sezvatakarairwa." |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo vaprista navaRevhi vakazvinatsa, kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri. |
|
| 15 |
|
| Vana vaRevhi vakatakura areka yaMwari pamafudzi avo namatanda akanga aripo, sezvakarairwa naMozisi neshoko raJehovha. |
|
| 16 |
|
| Dhavhidhi akataura navakuru vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo vave vaimbi vane zvokuridza nazvo, zvaiti mitengeramwa, nembira, namakandira, vazviridze nesimba nokuimbisa nomufaro. |
|
| 17 |
|
| Ipapo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoeri, napakati pehama dzake, Asafi mwanakomana waBherekia; napakati pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya; |
|
| 18 |
|
| uye pamwechete navo hama dzavo dzeboka rechipiri, Zekariya, naBheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vatariri vemikova. |
|
| 19 |
|
| Saizvozvovo vaimbi vaiti Hemani, naAsafi, naEtani, vakagadzwa, vanamakandira endarira kuti vaaridze nesimba; |
|
| 20 |
|
| naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengerangwa ina manzwi matete; |
|
| 21 |
|
| naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, naAzaziya, vane mbira dzina manzwi makobvu kutungamirira vamwe. |
|
| 22 |
|
| Kenania mukuru wavaRevhi, ndiye waiimbisa vanhu; ndiye waidzidzisa vanhu kuimba, nokuti akanga achiziva izvozvo. |
|
| 23 |
|
| Bherekia naErikana vakanga vari vatariri vemikova yeareka. |
|
| 24 |
|
| Shebhanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vaprista, ndivo vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; Obhedhi-Edhomu naJehiya vakanga vari vatariri vemikova yeAreka. |
|
| 25 |
|
| Zvino Dhavhidhi navakuru vaIsiraeri, navakuru vechiuru chamazana, vakandobvisa areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhi-Edhomu nomufaro. |
|
| 26 |
|
| Zvino Mwari akati achibatsira vaRevhi vakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira Mwari nzombe nomwe namakondobwe manomwe. |
|
| 27 |
|
| Dhavhidhi akanga akafuka nguvo yomucheka wakanaka, navaRevhi vose vakanga vachitakura areka, navaimbi, naKenania, mudzidzisi wokuimba, pamwechete navaimbi; uye Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka. |
|
| 28 |
|
| Saizvozvo vaIsiraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, vachiridza zvikuru mitengeramwa nembira. |
|
| 29 |
|
| Zvino areka yesungano yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba; akamushora mumoyo make. |
|
|
|
|