|
| 1 |
|
| Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarwa navaFirisitia akavakunda; akatorera vaFirisitia Gati nemisha yaro. |
|
| 2 |
|
| Akakunda Moabhiwo, vaMoabhi vakaitwa varanda vaDhavhidhi, vakamuvigira zvipo. |
|
| 3 |
|
| Dhavhidhi akakundawo Hadharezeri mambo weZobha, kusvikira paHamati, pakuenda kwake kundosimbisa vumambo bwake parwizi Yufuratesi. |
|
| 4 |
|
| Dhavhidhi akamutorera ngoro dzine chiuru chimwe navatasvi vamabhiza vane zviuru zvinomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo. |
|
| 5 |
|
| Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadharezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri. |
|
| 6 |
|
| Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda. |
|
| 7 |
|
| Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadharezeri, akadziisa Jerusaremu. |
|
| 8 |
|
| NapaTibhati napaKuni, maguta eHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakazoita nayo dziva rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira. |
|
| 9 |
|
| Zvino Tou mambo weHamati akati achinzwa kuti Dhavhidhi akaparadza hondo yose yaHadharezeri mambo weZobha, |
|
| 10 |
|
| akatuma Hadhorami mwanakomana wake kuna mambo Dhavhidhi, kundomukwazisa, nokumukorokotedza pamusoro pokurwa kwake kwaHadharezeri nokumukunda; nokuti Hadharezeri wairwa naTou; akanga ane midziyo yamarudzi ose, yendarama, neyesirivha, nendarira. |
|
| 11 |
|
| Neyiyiwo mambo Dhavhidhi akaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakanga atora kundudzi dzose; kuna vaEdhomu, navaMoabhi, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki. |
|
| 12 |
|
| Uye Abhishai mwanakomana waZeruya, akauraya vaEdhomu paMupata woMunyu vaiva vane zviuru zvine gumi nezvisere. |
|
| 13 |
|
| Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda. |
|
| 14 |
|
| Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; akatongera vanhu vake vose akavaitira zvakarurama. |
|
| 15 |
|
| Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva gurukota, |
|
| 16 |
|
| Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, vaiva vaprista, naShavhisha waiva munyori; |
|
| 17 |
|
| uye Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vakuru kutevera mambo. |
|
|
|
|