|
| 1 |
|
| Dhavhidhi navakuru vehondo vakatsaurirawo basa ravo vanakomana vaAsafi naHemani naJedhutuni, kuti vaporofite nembira, nemitengeramwa, namakandira; mazita avakabata basa ravo ndiwo: |
|
| 2 |
|
| vavanakomana vaAsafi: Zakuri, naJosefa, naNetania, naAsharera, vanakomana vaAsafi; vairairwa naAsafi, waiporofita nomurayiro wamambo. |
|
| 3 |
|
| VaJedhutuni: vanakomana vaJedhutuni. Gedharia, naZeri, naJeshaya, naHashabhia, naMatitia, vatanhatu; ivo vairairwa nababa vavo Jedhutuni, nembira, waiporofita achivonga nokurumbidza Jehovha. |
|
| 4 |
|
| VaHemani: vanakomana vaHemani: Bhukia, naMatania, naUzieri, naShebhueri, naJerimoti, naHanania, naHanani, naEriata, naGidhareti, naRomamitiezeri, naJoshibhekasha, naMaroti, naHotiri, naMahazioti. |
|
| 5 |
|
| Ava vose vakanga vari vanakomana vaHemani muoni wamambo pamashoko aMwari; Mwari akapa Hemani vanakomana vane gumi navana, navakunda vatatu, kuzomusimbisa. |
|
| 6 |
|
| Ava vose vairairwa nababa vavo pakuimba kwavo paimba yaJehovha namakandira, nemitengeramwa, nembira, pabasa reimba yaMwari; Asafi, naJedhutuni, naHemani vairairwa namambo. |
|
| 7 |
|
| Ava vose, pamwechete nehama dzavo dzakanga dzadzidziswa kuimbira Jehovha, ivo vose vakanga vachigona kwazvo, vakasvika mazana maviri namakumi masere navasere. |
|
| 8 |
|
| Vakakanda mijenya kuzoratidzwa mabasa avo, kusina anodarikwa, vaduku pamwechete navakuru, navadzidzisi pamwechete navadzidzi. |
|
| 9 |
|
| Mujenya wokutanga waAsafi ukabata Josefa; wechipiri Gedharia; iye navanun'una vake vakanga vari gumi navaviri; |
|
| 10 |
|
| wechitatu Zakuri, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 11 |
|
| wechina Iziri, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 12 |
|
| weshanu Netania, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 13 |
|
| wetanhatu Bhukia, navanakomana vake, navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 14 |
|
| wechinomwe Jesharera, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 15 |
|
| worusere Jeshaya, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 16 |
|
| wepfumbamwe Matania, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 17 |
|
| wegumi Shimei, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 18 |
|
| wegumi nomumwe Azareri, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 19 |
|
| wegumi navaviri Hashabhia, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 20 |
|
| wegumi navatatu Shubhaeri, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 21 |
|
| wegumi navana Matitia, navanakomana vake, navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 22 |
|
| wegumi navashanu Jeremoti, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 23 |
|
| wegumi navatanhatu Hanania, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 24 |
|
| wegumi navanomwe Joshibhekasha, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 25 |
|
| wegumi navasere Hanani, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 26 |
|
| wegumi navapfumbamwe Maroti, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 27 |
|
| wamakumi maviri Eriati, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 28 |
|
| wamakumi maviri nomumwe Hotiri, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 29 |
|
| wamakumi maviri navaviri Gidhareti, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 30 |
|
| wamakumi maviri navatatu Mahazioti, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri; |
|
| 31 |
|
| wamakumi maviri navana Romamitiezeri, navanakomana vake navanun'una vake, gumi navaviri. |
|
|
|
|