|
| 1 |
|
| Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari; |
|
| 2 |
|
| navanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni; naUzieri, |
|
| 3 |
|
| Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMosesi, naMiriami. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriyazari, naItamari. |
|
| 4 |
|
| Eriyazari akabereka Finiasi, Finiasi akabereka Abhishua, |
|
| 5 |
|
| Abhishua akabereka Bhuki, Bhuki akabereka Uzi, |
|
| 6 |
|
| Uzi akabereka Zerahiya, Zerahiya akabereka Merayoti, |
|
| 7 |
|
| Merayoti akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi, |
|
| 8 |
|
| Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Ahimaazi, |
|
| 9 |
|
| Ahimaazi akabereka Azaria, Azaria akabereka Johanani, |
|
| 10 |
|
| Johanani akabereka Azaria, (ndiye waibata basa romupristi muimba yakavakwa naSoromoni paJerusaremu;) |
|
| 11 |
|
| Azaria akabereka Amaria Amaria akabereka Ahitubhi, |
|
| 12 |
|
| Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Sharumi, |
|
| 13 |
|
| Sharumi akabereka Hirikia Hirikia akabereka Azaria, |
|
| 14 |
|
| Azaria akabereka Seraya, Seraya akabereka Jehozadhaki, |
|
| 15 |
|
| Jehozadhaki akatapwa, nguva yakatapa Jehovha Judha neJerusaremu noruoko rwaNebhukadhineza. |
|
| 16 |
|
| Vanakomana vaRevhi, Gerishomi, naKohati, naMerari. |
|
| 17 |
|
| Mazita avanakomana vaGerishomi ndiwo: Ribhini naShimei. |
|
| 18 |
|
| Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri; |
|
| 19 |
|
| navanakomana vaMerari: Mari, naMushi. Uye ndidzo dzimba dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo. |
|
| 20 |
|
| VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, naJahati mwanakomana wake, naZima mwanakomana wake, |
|
| 21 |
|
| naJoa mwanakomana wake, naIdho mwanakomana wake, naZera mwanakomana wake, naJeaterai mwanakomana wake. |
|
| 22 |
|
| Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, naKora mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, |
|
| 23 |
|
| naErikana mwanakomana wake, naAbhiasafi mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, |
|
| 24 |
|
| naTahati mwanakomana wake, naUrieri mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake. |
|
| 25 |
|
| Vanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti. |
|
| 26 |
|
| Vanakomana vaErikana: Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake, |
|
| 27 |
|
| naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake. |
|
| 28 |
|
| Vanakomana vaSamueri: wedangwe Joeri, nowechipiri Abhija. |
|
| 29 |
|
| Vanakomana vaMerari: Mari, naRibhini mwanakomana wake, naUza mwanakomana wake, |
|
| 30 |
|
| naShimira mwanakomana wake, naHagia mwanakomana wake, naAsaya mwanakomana wake. |
|
| 31 |
|
| Uye ava ndivo vakagadzwa naDhavhidhi kuzofambisa basa rokuimba mumba maJehovha, mushure mokuti areka yawana pokuzorora. |
|
| 32 |
|
| Vaishumira pakuimba pamberi petabhenekari yetende rokusangana, kusvikira Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusaremu; vakamira pabasa ravo, sezvavakanga vagoverwa napo. |
|
| 33 |
|
| Ndivo vaimirapo navakomana vavo; kuvanakomana vaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waSamueri; |
|
| 34 |
|
| mwanakomana waErikana, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa; |
|
| 35 |
|
| mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai; |
|
| 36 |
|
| mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefaniya, |
|
| 37 |
|
| mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora; |
|
| 38 |
|
| mwanakomana waIshari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri. |
|
| 39 |
|
| Munun'una wake Asafi, akanga amire kurudyi rwake, iye Asafi mwanakomana waBherekia, mwanakomana waShimia; |
|
| 40 |
|
| mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waBhaaseya, mwanakomana waMarikija; |
|
| 41 |
|
| mwanakomana waItini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya; |
|
| 42 |
|
| mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimeri; |
|
| 43 |
|
| mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waRevhi. |
|
| 44 |
|
| Kurubhoshwe rwavo, hama dzavo ivo vanakomana vaMerari: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki; |
|
| 45 |
|
| mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia; |
|
| 46 |
|
| mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri; |
|
| 47 |
|
| mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi. |
|
| 48 |
|
| Hama dzavo ivo vaRevhi ndivo vakagoverwa mabasa ose patabhenekari yeimba yaJehovha. |
|
| 49 |
|
| Asi Aroni navanakomana vake vaibayira paatari yezvipiriso zvinopiswa, napaatari yezvinonhuwira, vaibata mabasa ose apanzvimbo tsvene–tsvene, nokuyananisira Isiraeri, vachiita zvose zvakarairwa naMosesi muranda waMwari. |
|
| 50 |
|
| Vanakomana vaAroni ndivo: Eriazari mwanakomana wake, naFiniasi mwanakomana wake, naAbhishua mwanakomana wake; |
|
| 51 |
|
| naBhuki mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naZerahiya mwanakomana wake; |
|
| 52 |
|
| naMerayoti mwanakomana wake, naAmaria mwanakomana wake, naAhitubhi mwanakomana wake; |
|
| 53 |
|
| naZadhoki mwanakomana wake, naAhimaazi mwanakomana wake. |
|
| 54 |
|
| Kwavaigara, kwavaidzika matende avo panyika yavo, ndiko, vanakomana waAroni, vedzimba dzavaKohati, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa, |
|
| 55 |
|
| ivo vakapiwa Hebhuroni panyika yaJudha, namafuro aro akanga akapoteredza; |
|
| 56 |
|
| asi minda yeguta, nemisha yaro, yakapiwa Karebhu mwanakomana waJefune. |
|
| 57 |
|
| Vanakomana vaAroni vakapiwa maguta outiziro, aiti: Hebhuroni, neRibhina namafuro awo, neJatiri, neEshitemoa namafuro awo; |
|
| 58 |
|
| neHireni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro; |
|
| 59 |
|
| neAshani namafuro aro, neBheti-shemeshi namafuro aro. |
|
| 60 |
|
| Uye vorudzi rwaBhenjamini: Gebha namafuro aro, neArimeti namafuro aro, neAnatoti namafuro aro. Maguta avo ose pakati pedzimba dzavo dzose, aiva maguta ane gumi namatatu. |
|
| 61 |
|
| Vamwe vanakomana vaKohati vakapiwa nemijenya maguta ane gumi pakati pehafu yorudzi rwaManase, iyo hafu yaManase. |
|
| 62 |
|
| Vanakomana vaGerishomi nedzimba dzavo, vorudzi rwaIsakari, novorudzi rwaAsheri, novorudzi rwaNafutari, novorudzi rwaManase paBhashani, vakapiwa maguta ane gumi namatatu. |
|
| 63 |
|
| Vanakomana vaMerari nedzimba dzavo vakapiwa nemijenya vorudzi rwaRubheni, novorudzi rwaGadhi, novorudzi rwaZebhuruni, maguta ane gumi namaviri. |
|
| 64 |
|
| Vana VaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta namafuro awo. |
|
| 65 |
|
| Vakavapa nemijenya maguta iwayo akarehwa mazita awo vorudzi rwavana vaJudha, novorudzi rwavana vaSimioni, novorudzi rwavana vaBhenjamini. |
|
| 66 |
|
| Asi vamwe vedzimba dzavana vaKohati vakanga vana maguta panyika yavo, vorudzi rwaEfuremu. |
|
| 67 |
|
| Vakavapa maguta noutiziro, aiti: Shekemu kunyika yamakomo aEfuremu namafuro aro, neGezeru namafuro aro; |
|
| 68 |
|
| neJokimeami namafuro aro, neBhetihoroni namafuro aro, |
|
| 69 |
|
| neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; |
|
| 70 |
|
| vehafu yorudzi rwaManase vakapiwa Aneri namafuro aro, ndizvo zvakapiwa vamwe veimba yavana vaKohati. |
|
| 71 |
|
| Vanakomana vaGerishomi vakapiwa pakati peimba yehafu yorudzi rwaManase, Gorani paBhashani namafuro aro, neAshitaroti namafuro aro; |
|
| 72 |
|
| novorudzi rwaIsakari: Kedheshi namafuro aro, neDhabherati namafuro aro, |
|
| 73 |
|
| neRamoti namafuro aro, neAnemi namafuro aro; |
|
| 74 |
|
| novorudzi rwaAsheri: Mashari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro; |
|
| 75 |
|
| neHukoki namafuro aro, neRehobhi namafuro aro, |
|
| 76 |
|
| novorudzi rwaNafutari: Kedheshi paGarire namafuro aro, neHamoni namafuro aro, neKiriataimi namafuro aro. |
|
| 77 |
|
| Vamwe vavaRevhi, ivo vanakomana vaMerari, vakapiwa vorudzi rwaZebhuruni: Rimono namafuro aro, neTabhori namafuro aro; |
|
| 78 |
|
| uye mhiri kwaJodhani paJeriko, kumabvazuva aJodhani, vorudzi rwaRubheni, vakapiwa Bhezeri riri kurenje namafuro aro, neJaza namafuro aro, |
|
| 79 |
|
| neKedhemoti namafuro aro, neMefati namafuro aro; |
|
| 80 |
|
| novorudzi rwaGadhi: Ramoti-giriyadhi namafuro aro, neMahanaimu namafuro aro, |
|
| 81 |
|
| neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro. |
|
|
|
|