|
| 1 |
|
| Zvino Rehobhoamu akati achisvika Jerusaremu, akaunganidza veimba yaJudha naBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuti varwe navaIsiraeri, kuti vadzosere ushezve kuna Rehobhoamu. |
|
| 2 |
|
| Asi shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari, richiti, |
|
| 3 |
|
| “Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, navaIsiraeri vose paJudha naBhenjamini, uti, |
|
| 4 |
|
| zvanzi naJehovha, ‘Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.’ ” Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoami. |
|
| 5 |
|
| Rehobhoamu akagara Jerusaremu, akavaka maguta enhare paJudha. |
|
| 6 |
|
| Akavaka Bheterehemu, neEtami, neTekoa, |
|
| 7 |
|
| neBhetizuri, neSoko, neAdhuramu, |
|
| 8 |
|
| neGati, neMaresha, neZifi, |
|
| 9 |
|
| neAdhoraimi, neRakishi, neAzeka, |
|
| 10 |
|
| neZora, neAijaroni, neHebhuroni, akanga ari maguta akakombwa paJudha neBhenjamini. |
|
| 11 |
|
| Akasimbisa nhare, akaisamo vakuru, nezvokudya zvakaunganidzwamo, namafuta, newaini. |
|
| 12 |
|
| Muguta rimwe nerimwe akaisa nhoo namapfumo, akaasimbisa kwazvo kwazvo. Judha naBenjamini vakanga vari vake. |
|
| 13 |
|
| Navapristi navaRevhi, vaiva pakati paIsiraeri yose, vakaungana kwaari, vachibva panyika yavo yose. |
|
| 14 |
|
| Nokuti vaRevhi vakabva pamafuro avo nepfuma yavo, vakaenda kwaJudha neJerusaremu; nokuti Jerobhoami navanakomana vake vakavadzinga, kuti varege kubata basa roupristi pamberi paJehovha. |
|
| 15 |
|
| Iye akazvitsaurira vapristi vapamatunhu akakwirira, navezvifananidzo zvenhongo dzembudzi, navemhuru dzaakaita. |
|
| 16 |
|
| Zvino vose pakati pamarudzi ose avaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomwoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo. |
|
| 17 |
|
| Saizvozvo vakasimbisa ushe hwaJudha, vakasimbisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, makore matatu; nokuti vakafamba panzira yaDhavhidhi naSoromoni makore matatu. |
|
| 18 |
|
| Rehobhoamu akawana mukadzi, Maharati mukunda waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi, nowaAbhihairi mukunda waEriabhi mwanakomana waJese. |
|
| 19 |
|
| Iye akamuberekera vanakomana, vaiti: Jeushi, naShamaria, naZahami. |
|
| 20 |
|
| Pashure akawanawo Maaka mukunda waAbhusaromu; iye akamuberekera Abhija, naAtai, naZiza, naSheromiti. |
|
| 21 |
|
| Rehobhoamu akada Maaka mukunda waAbhusaromu kupfuura vakadzi vake vose navarongo vake; (nokuti akawana vakadzi vane gumi navasere navarongo vana makumi matanhatu, akabereka vanakomana vana makumi maviri navasere navanasikana makumi matanhatu.) |
|
| 22 |
|
| Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka ave mukuru nomuchinda pakati pavana vababa vake; nokuti akanga achida kumuita mambo. |
|
| 23 |
|
| Akaita nokungwara, akaparadzira vanakomana vake vose panyika dzose dzaJudha naBhenjamini kumaguta ose enhare; akavapa zvokudya zvakawanda. Akavatsvakirawo vakadzi vazhinji. |
|
|
|
|