Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino Jehoshafati mwanakomana wake akabata ushe pachigaro chake, akazvisimbisa kundorwa navaIsiraeri. |
| 2 |
| Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake. |
| 3 |
| Jehovha akava naJehoshafati, nokuti akafamba munzira dzokutanga dzababa vake Dhavhidhi; haana kundobvunza vaBhaari; |
| 4 |
| asi akabvunza Mwari wababa vake, akafamba nemirairo yake asingateveri mabasa aIsiraeri. |
| 5 |
| Saka Jehovha akasimbisa ushe paruoko rwake; vaJudha vose vakavigira Jehoshafati zvipo, akava nefuma nokukudzwa zvizhinji. |
| 6 |
| moyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha. |
| 7 |
| Uye pagore rechitatu rokubata kwake ushe akatuma machinda ake, vanaBhenihairi, naObhadhiya, naZekariya, naNetaneri, naMikaya, kundodzidzisa mumaguta aJudha; |
| 8 |
| uye pamwechete navo vaRevhi, vana Shemaya, naNetania, naZebhadhia, naAshaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdhonia, naTobhiya, naTobhiadhonia, vari vaRevhi; uye pamwechete navo Erishama naJehoramu, vaprista. |
| 9 |
| Vakandodzidzisa pakati paJudha, vane bhuku yomurayiro waJehovha; vakafamba vachipota namaguta ose aJudha, vachidzidzisa pakati pavanhu. |
| 10 |
| Ushe hwose bwenyika dzose dzakanga dzakapoteredza Judha, vakavhunduswa naJehovha, vakasarwa naJehoshafati. |
| 11 |
| Vamwe vaFirisitia vakavigira Jehoshafati zvipo, nesirivha yomutero; vaArabhiawo vakamuvigira makwai, makondobwe ane zviuru zvinomwe namazana manomwe, nenhongo dzembudzi dzine zviuru zvinomwe namazana manomwe. |
| 12 |
| Jehoshafati akazova mukuru kwazvo, akavaka pakati paJudha nhare namaguta amatura. |
| 13 |
| Waiva namabasa mazhinji mumaguta aJudha, navarwi, varume vane simba noumhare paJerusaremu. |
| 14 |
| Zvino ndiwo mazita avo nedzimba, dzamadzibaba avo: Pakati paJudha, vakuru vezviuru: Adhina mukuru, uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru zvina mazana matatu; |
| 15 |
| tevere Jehohanani mukuru, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere; |
| 16 |
| tevere Amasia mwanakomana waZikiri, wakazvipa kuna Jehovha nomoyo wake wose; uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru pakati |
| 17 |
| pavaBhenjamini: Eriadha munhu ane simba noumhare, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri vakanga vakabata uta nenhovo; |
| 18 |
| tevere Jehozabhadhi, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvine zana namakumi masere, vakanga vakazvigadzirira kurwa. |
| 19 |
| Ndivo vaibatira mambo, vamwe vakanga vaiswa namambo mumaguta akakombwa panyika yose yaJudha vasingaverengwi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2chronicles/017.mp3
36
17