|
| 1 |
|
| Shure kwaizvozvo vana vaMoabhu, navana vaAmoni, navamwe vavaAmoni pamwechete navo, vakasvika kuzorwa naJehoshafati. |
|
| 2 |
|
| Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, "Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari," (ndiro Enigedi). |
|
| 3 |
|
| Ipapo Jehoshafati akatya, akashingaira kundobvunza Jehovha; akatara zuva rokutsanya panyika yose yavaJudha. |
|
| 4 |
|
| VaJudha vakaungana kuzotsvaka rubatsiro kuna Jehovha; vakabva kumaguta ose aJudha kuzotsvaka Jehovha. |
|
| 5 |
|
| Jehoshafati akasimuka paungano yavaJudha navanhu veJerusaremu, mumba maJehovha, pamberi poruvazhe rutsva; |
|
| 6 |
|
| akati, "Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imwi hamuzi Mwari ari kudenga here? imwi hamuzi mubati woushe hwose bwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai. |
|
| 7 |
|
| "Imi Mwari wedu, hamuna kudzinga here vaigara panyika ino pamberi pavanhu venyu vaIsiraeri, mukaipa vana vaAbhurahamu shamwari yenyu nokusingaperi? |
|
| 8 |
|
| Vakagaramo, vakakuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti, |
|
| 9 |
|
| `Kana tikawirwa nezvakaipa, kana munondo wokutonga, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri tiri pakutambudzika kwedu; ipapo muchatinzwa nokutirwira,' |
|
| 10 |
|
| "Zvino tarirai vana vaAmoni navaMoabhu navapagomo reSeiri, vamusina kutendera vaIsiraeri kupinda pakati pavo nguva yavakabva panyika yeIjipiti, asi vakavarega, vakasavaparadza; |
|
| 11 |
|
| tarirai votitsiva, vachiuya kuzotidzinga panyika yenyu, yamakatipa ive nhaka yedu. |
|
| 12 |
|
| "Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri." |
|
| 13 |
|
| Ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwechete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo. |
|
| 14 |
|
| Mweya waJehovha ukauya pamusoro paJahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi, wavanakomana vaAsafi, pakati peungano; |
|
| 15 |
|
| iye akati, "Teererai, imwi vaJudha mose, nemwi mugere paJerusaremu, nemwi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri: Nemwi musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji, nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. |
|
| 16 |
|
| Burukai mangwana mundorwa navo; tarirai vanokwira napamukwidza weRizi; muchavawana pakuguma komupata, pamberi perenje reJerueri. |
|
| 17 |
|
| imwi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imwi vaJudha naveJerusaremu; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha anemi.' " |
|
| 18 |
|
| Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, chiso chakatarira pasi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakawira pasi pamberi paJehovha, vakanamata Jehovha. |
|
| 19 |
|
| NavaRevhi vavana vavaKohati, navana vavaKora, vakasimuka vakarumbidza Jehovha Mwari waIsiraeri nenzwi guru kwazvo. |
|
| 20 |
|
| Vakamuka mangwanani, ndokubudira kurenje reTekoa; zvino vakati vachibuda, Jehoshafati akamira, akati, "Chindinzwai imwi vaJudha nemwi mugere Jerusaremu; tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda." |
|
| 21 |
|
| Zvino akati arangana navanhu, akagadza vaifanira kuimbira Jehovha, nokumurumbidza nenguvo tsvene, vakafamba pamberi pehondo, vachiti, "Vongai Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi." |
|
| 22 |
|
| Zvino vakati vachitanga kuimba nokurumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhu, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa. |
|
| 23 |
|
| Nokuti vana vaAmoni navaMoabhu vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana. |
|
| 24 |
|
| Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka. |
|
| 25 |
|
| Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo zvizhinji: zvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kokuwanda kwazvo. |
|
| 26 |
|
| Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nokuti vakandokudza Jehovha ipapo; naizvozvo zita renzvimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBheraka kusvikira zuva ranhasi. |
|
| 27 |
|
| Ipapo vanhu vose vaJudha naveJerusaremu vakadzoka, Jehoshafati akavatungamirira, vakadzokera Jerusaremu nomufaro; nokuti Jehovha akanga avafadza pamusoro pavavengi vavo. |
|
| 28 |
|
| Vakasvika Jerusaremu nemitengeramwa, nembira, nehwamanda, kusvikira paimba yaJehovha. |
|
| 29 |
|
| Ipapo ushe hwose bwenyika iyo hwakatya Mwari kwazvo, pakunzwa kwavo kuti Jehovha akarwa navavengi vaIsiraeri. |
|
| 30 |
|
| Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava norugare; nokuti Mwari wake akamuzorodza pamativi ose. |
|
| 31 |
|
| Jehoshafati akabata ushe hwaJudha; akanga asvika makore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namashanu; zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi. |
|
| 32 |
|
| Akafamba nenzira yababa vake Asa; haana kutsauka pairi, akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha. |
|
| 33 |
|
| Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, navanhu vakanga vachigere kutevera Mwari wamadzibaba avo nomoyo wose. |
|
| 34 |
|
| Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, okutanga nookupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu, mwanakomana waHanani, akaiswa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri. |
|
| 35 |
|
| Shure kwaizvozvi Jehoshafati mambo waJudha wakasungana naAhazia mambo waIsiraeri; iye aifamba nenzira yakaipa kwazvo; |
|
| 36 |
|
| akasungana naye pakuvaka zvikepe zvaienda Tarishishi; vakavaka zvikepe paEZiyonigebheri. |
|
| 37 |
|
| Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, "Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako." Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tarishishi. |
|
|
|
|